Mari yema‘incentives’ kanganwai: Dokora

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Mari yema‘incentives’  kanganwai: Dokora

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti mari yaibhadharwa vadzidzisi nevabereki, yema”incentives”, iyo yakamiswa, haichadzoka zvachose uye yangova nhoorondo.
Vachitaura pamhemberero dzepasi rose dzekucherechedza basa revadzidzisi, re20th World Teacher’s Day, idzo dzakaitwa neveZimbabwe Teachers Association (Zimta) kuBulawayo svondo raopera, Cde Dokora vakati hapana tarisiro yekuti vadzidzisi vachawaniswa mari iyi zvakare.

Cde Dokora vaipindura mibvunzo yevatori venhau avo vaida kuziva mamiriro akaita nyaya iyi zvichitevera mashoko akasiyana-siyana ari kubuda.

Masangano anomirira vadzidzisi agara achida kuti varairidzi vapihwe mari iyi achiti zvinosimudzira chido chebasa kuvadzidzisi.

“Iyi yatova nhoroondo, zvakapfuura kare. Ko tinorambirei tichitaura nezvezvinhu zvakadarika kare? Tingadai tiri kutotaura nyaya dzine musoro sekuti izvozvi tiri mubishi kuongorora kuti mari yemuhoro yevadzidzisi ingasiyaniswe sei zvichienderana nekukodzera kunoita mumwe nemumwe takatarisana nedzidzo nedanho ravanenge vakasvika.

“Tinorambirei takabatirira pazvinhu zvakadarika? Hatingarambe tichitaura nyaya yakapera kare, izvozvi takanangana nehurongwa hwekuti vadzidzisi vakwanise kuenderera mberi nedzidzo yavo asi vasina kusiya basa pamwe nekuti tingaumbe dzidzo izere chirudzii. Siyanai nezvakapfuura asi ngatitarise kwatiri kuenda,” vakadaro Cde Dokora.

Vadzidzisi vakatanga kupihwa mari yema”incentives” mugore ra2011 senzira yekututsira mari yavo yemuhoro iyo yakange iro shoma pane zvavaitarisira.

Zvisinei, Hurumende yakazoti vasapihwe mari iyi muna Kubvumbi gore rino.

Chamangwiza weZimta, VaSifiso Ndlovu, vanoti kunyangwe zvazvo sangano ravo richishuvira kuti vadzidzisi vapihwe mari iyi, vabereki havafanirwe kumanikidzwa kuibvisa.

“Kana vabereki vakamanikidzwa kubvisa mari iyi munenge muchidzikisira vadzidzisi kusvika padanho revashandi vemunharaunda chaivo zvinova zvisina kunaka asi kana vabereki vazvipira kubhadhara mari iyi vega zvinonzwisisika,” vakadaro.

Munyori mukuru kusangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti varairidzi vanofanira kupihwa mari iyi.

“Hurumende ngaisaomese musoro nekuti kana vabereki vachida uye vachikwanisa kubvisa mari iyi inofanira kubviswa. Chiripo ndechekuti mari inohora varairidzi haikwane saka mari iyi yaitorerutsa upenyu hwavo zvikuru,” vakadaro VaMajongwe.

Sangano reCatholic Bishops’ Conference rakakumbirawo kuHurumende kuti zvikoro zviri pasi pechitendero cheRoman Catholic zvibvumirwe kupa vadzidzisi mari iyi. – Sunday News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>