Marimiro kwawo embambaira

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Marimiro kwawo embambaira

Kwayedza

Murimi Mukuru Ivan Craig
TAKATARISANA nekushomeka kwemvura mwaka uno, zvinobhadhara kurima zvirimwa zvakati wandei kuitira kuti chimwe chikadzikira pagohwo, chimwe chinopa gohwo rakanaka.

Nhasi tiri kutarisa marimirwo embambaira.

Mbambaira chirimwa chinokwanisa kurimwa muvhu chero ripi zvaro, asi rakadzika uye risingajengi mvura. Ivhu rinofanira kunge riri pakati pe5.0 ne6.3pH.

Mbambaira inoda kurohwa nechando kana yatoibva, ikarohwa nechando isati yaibva haizobereki zvakanaka uye gohwo rinobva radzika. Saka mbambaira inoda kudyarwa nguva iripo kana nzvimbo yenyu ichiita chando.

Hapana musha usina mbeu dzembambaira asi pane dzimwe dzakauchikwa, dzimwe dzacho dzinonzi Brondal, Chingovha, Nemagold, Cordiner nedzimwewo.

Mbambaira dzinokwanisa kupa gohwo rinosvika kumatani anodarika 50 pahekita (+/- 50t/ha) kubva kune idzo dzakauchikwa asi dzimwe dzekumusha dzichisvika pamatanzi 15 pahekita. Izvi zvinotidzidzisa kuti mbeu yakauchikwa yakanaka.

Kune mbeu dzemwaka mupfupi dzinoibva mumazuva anobva pa120 kusvika pa240. Hapana dunhu risingarimwi mbambaira muno muZimbabwe nekudaro rimai mbeu inoenderana nedunhu renyu. Asi kana mada kuedza dzimwe mbeu tinokukurudzirai kuti mutange nekuedza pandima duku.

Mbambaira haidyarwi iri mbeu, inosimwa zviri zvichekwa zvinonzi vines/cuttings. Zvichekwa izvi zvinoda kubva pambambaira ine utano, isina zvirwere kana tupembenene.

Midzi inogona kushandiswa asi inogona kudzikisira gohwo uye vamwe vanogona kugadzira mbeu kubva kumashizha asi zvinotora nguva refu uyezve zvinoda vanamazvikokota.

Fetiriza yeCompound D ine huwandu hunoita 300kg pahekita (Compound D 300kg/ha) ndiyo inodiwa. Kunodiwa 60kg pahekita yeAmmonium Nitrate iyo inoiswa chidimu pakusima chimwe chidimu kwapera mwedzi mumwe chete kubva musi wekusima.

Mbambaira dzinopa gohwo rakanakisa dzinoda kudyarwa pamihomba (ridges). Munda unotanga warimwa, fetiriza yepasi yokushwa yosaganiswa nehara (disc harrow) mihomba yozogadzirwa. Kana kuti mihomba inogadzirwa fetiriza yozoiswa pagomba rinozosimwa mbambaira (vine).

Kunoda zvichekwa zvinoita 40 000 pahekita (40 000 vines/ha). Zvichekwa zvinofanira kuchekwa panoperera madzinde 7 (7 internodes).

Mihomba inoda kugadzirwa iri 90cm kubva pamuhomba kuenda pane mumwe wakakwira 20cm kusvika pa30cm (20 to 30cm high). Ndakaona vamwe vanoita denderedzwa rezvichekwa voisa muvhu yakapetwa kudaro. Izvi hazvipi gohwo rakanaka uye zvinoda zvichekwa zvakarebesa zvichipedza mbeu asi zvichekwa zvinoda kuiswa muvhu zvakaswatuka. Izvi zvinobatsira kuti mbambaira dziite vana vakawanda.

Mbambaira dzinoda kurimwa nefetiriza yepasi kana manyowa, top munogona kuisa asi ngaive shomanani nokuti ndiyo mbambaira iya inotebvenyuka kana ichinge yabikwa. Munokwanisa kuisa 50kg pahekita (50kg/ha) chete uye kana zvichiita kutoregedza kunokupai mbambaira yakasimba, inonaka.

Munogona zvakare kuti painotanga kuita maruva moisa gypsum inokwana 50kg pahekita (50kg/ha). Mihomba kana munda unoda kusakurirwa kana mbambaira dzichiri duku.

Zvipembenene zvinouraya mbambaira inhuta kunyanya. Nhuta inofamba husiku uye pane nzira dzinoshandiswa nevamwe dzekuiuraya. Munogona kushandisa mapiritsi anonzi Storm.

Mbambaira inoibva kana yaita maruwa ekutanga odonha, ozoita mamwe kechipiri odonha zvakare. Mashizha anozooma idzowo dzinobva dzatanga kutsemura muhomba kana pasi. Munogona kuchera mbambaira imwe chete moipukuta, ikasvuuka zvinoreva kuti haina kuibva.

Mbambaira kana ichinge yacherwa inogona kutengeswa iri nyoro isina kubikwa kana yakabikwa, munogona kuomesa mogadzira hupfu kana kuita machipisi.

MAKWIKWI:

Mubvunzo wesvondo rino: Tipei mabikirwo mamwe chete embambaira.

Nyorai mhinduro pafomu riri pazasi.

Share This:

Sponsored Links