Marimirwo anoitwa mufarinya

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
KUNAYA kwemvura hakusandure maonerwo eveMet Department pamamiriro emwaka uno, nekudaro hatifanire kurasa miswe tichifunga kuti mwaka wazonaka.

Tinokurudzira varimi kuti varambe vakatarisana nenzira dzakasiyana-siyana dzekubata mvura zhinji yekunaya uyezve nekuishandisa zvakakwana zviine hungwaru.

Dzimwe nzira sekutaura kwatakaita muzvinyorwa zvakadarika dzekuti varimi vawane pundutso kurima mbesa dzinozviriritira muzuva, dzichibvuma kunzwimbo dzakasiyana.

Muchinyorwa chino tinoda kutarisa mufarinya. Mufarinya chirimwa chagara chichirimwa kune dzimwe nzwimbo muZimbabwe, uye chinorimwa zvikuru kudzimwe nyika muAfrica sechikafu nekuzotengesera vemakambani.

Nyika yeNigeria ndiyo inorima mufarinya wakawanda kudarika dzimwe nyika pasi rose. Mufarinya haunetsi kurima sezvo uchibvuma muvhu chero jecha uyezve muvhu rinoti vavirei pH yakaderera kusvika pa4,5 (acidic soils). Rinofanira kuve ivhu risingajengi mvura, rine kudya kushoma.

Chirimwa ichi chinobvuma munzvimbo dzinonaya mvura shomanini, nekudaro mufarinya unokwanisa kurimwa takatarisana nekushomeka kwemvura sekutaurwa kwazvakaitwa neveMet Department.

Mufarinya unomboita basa rei?

Chekutanga, mufarinya unorimirwa chikafu chevanhu nezvipfuyo. Mashizha emufarinya anoshandiswa semuriwo munyoro kana kufushwa. Vana vacho, inova midzi inenge yakafuta, inogona kudyiwa isina kubikwa, kana yabikwa sembambaira. Vamwe vanoibika kuita machipisi kana kuyanikwa kuita hupfu hwesadza, bota, kubheka chingwa nekakeke, kubika maheu, doro nezvimwewo. Kunze kwekutengesa mufarinya, dzinde racho rinoitwa huni.

Tikatarisa shure, Zimbabwe ichiri kutongwa nevapambepfumi, taiwana mufarinya kubva kudzimwe nyika seMalawi tichiushandisa kugadzira chikafu chemombe, uyezve waisevenzeswa nemakambani kugadzira “starch”, furawa, mafuta ekufambisa dzimotokari, kubika doro nezvimwewo zvakawanda.

Mufarinya unobhadhara kana uchinge warimwa zvakanaka. Unogona kupa goho rinosvika matani 50 pahekita (50 tons/ha). Kuti tibate goho iri, ngatitarisei nzira dzekurima mufarinya nadzo:

Chekutanga, tinofanirwa kurima mbeu (cuttings) yakachena, yakanaka uye ine utano kuitira kuti izviriritire kunyanya kuzvirwere. Ndinozviva kuti pari zvino mbeu yemufarinya ichiri shoma asi kune vamwe varimi kumapurazi nekumaruwa vanayo.

Kune avo vanayo, ipaiwo vamwe kuti vadyare miti miviri kana mitatu kuitira kuti vawanewo pekutangira.

Dzimwe dzemhando dzinowanikwa muZimbabwe dzinosanganisira Smart Farmer, Rushinga White, Chimanimani, Sludge, Mutanga, Mupunga, Mbundumali neTsengeramuhomwe.

Dzakauchikwa dzinosanganisira Maus 7 neXM6. Mbeu yemufarinya inotorwa zvimiti kubva padzinde zvakareba masendimita makumi matatu (30cm) kana kuti zvine migano (internodes) inokwana minomwe. Mihomba inofanira kupesana (spacing) mita imwe chete mobaira zvimiti (cuttings) masendimita anosvika makumi maviri muchisiya nzvimbo inoita masendimita makumi manomwe (80cm), (planting spacing 1 meter x 0.80 meters).

Munoda 300kg dzefetiriza yepasi inonzi Compound C, iyo inotanga yaiswa pasi panozogadzirwa mihomba.

Fetiriza yepamusoro (top) (ammonium nitrate) inoda 60kg iyo inoiswa mufarinya wave nemasvondo manomwe watanga kufundira mashizha.

Sechirimwa chose, mufarinya haukuri zvakanaka musora uye unobatwawo nezvirwere.

Chimwe chezvirwere chinonzi Cassava Mosaic uye mufarinya unodhererwa netumbuyu twakaita seCassava Green Mite, Cassava Mealy Bug, muchenje nezvipfuyo zvepamusha sehuku, mbudzi kana mombe.

Mufarinya hautani kuora kana uchinge vakohwewa, unoda kubva washandiswa asi unogona kugara muvhu kwemwedzi inosvika makumi matatu nematanhatu (36 months) muchingochera pamunenge mada.

makwikwi

Makwikwi esvondorino: Tipei mabikirwo (recipes) emufarinya.

Nyorerai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvose zvinodiwa. Kuti muzive zvakawanda, ridzai nhare dzinoti 0773 296 072.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey