Marlborough yakarambira nemukombe

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MALBOROUGH High School yakarambira nemukombe svondo radarika mumutambo weU15 Malborough Invitational Basketball Tournament uyo wakatambirwa pachikoro ichi.
Zvikwata zvishanu chete zvinoti Malborough A neB, Oriel Boys High, Prince Edward neSt Johns High ndizvo zvakazobudirira kuuya kuzokwikwidza pamutambo uyu kubva pa30 izvo zvaitarisirwa.

Mutambo uyu wakazotambwa uri weround-robbin zvinoreva kuti zvikwata zviviri zvakakwanisa kuwana zvibodzwa zvakawanda mumitambo yazvo ndizvo zvakazosangana mufainari.

Malborough yakakwanisa kuhwina mitambo yayo yese ndokupinda mufainari umo yakakunda Prince Edward  19-11 ndokusimudza mukombe wemutambo uyu.

Mumwe wevaironga mutambo uyu, Paul Mkondo (Junior) anoti wakanakidza zvikuru  kunyangwe hazvo pasina kuzouya zvikwata zvakawanda kuzokwikwidza.

Mkondo (Jnr) anoti vacharamba vachiuronga gore negore sezvo mutambo uyu uri kubatsira zvikuru kuumba tarenda revatambi vechidiki vebasketball.

“Malborough yakabata basa svondo radarika, yakaita zvinorova, tinoikorokotedza.
“Chaive chakachaya svondo radarika nekuti pakazoita zvikwata zvishoma zvakauya kuzokwikwidza izvo zvakazobandana mumutambo uyu.

“Mitambo yezvikwata izvi yakange yave yeround-robbin uye zviviri zvakakwanisa kuwana zvibodzwa zvakawanda kudarika zvimwe zvese ndizvo zvakazopinda mufainari zvinova Malborough nePrince Edward.

“Zvikwata zvese zvakauya zvakatamba zvinodakadza tinoyemura matambiro azvaiita.
“Isu chinangwa chedu kuvaka tarenda revatambi vebasketball vechidiki vari kusimukira kubva kuzvikwata zvakasiyana.

“Chishuwo chedu kuona vatambi ava vachive neremangwana rakanaka mumutambo uyu uye vachibudirira muhupenyu hwavo,” akadaro Mkondo (Jnr).

Anoti mutambo wegore rinotevera uchakurumidza kutambwa kuitira kuti zvisazokanganise vana vechikoro apo vanenga vachigadzirira kunyora bvunzo dzavo.

“Tave kutotanga kuronga mutambo wegore rinotevera, tinoda kuti ugonakidza kudarika gore rino. Tinoda kuti gore rinotevera mutambo uyu ukurumidze kutambwa kuitira bvunzo dzevana vechikoro,” akadaro Mkondo (Jnr).

Share This:

Sponsored Links