Marondera iri kuda zvikoro 36: Katsiru

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Margaret Matibiri —
DUNHU reMarondera rinoda zvimwe zvikoro zvepuraimari nesekondari 36 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana veko.

Mashoko aya akataurwa nemumiriri weMarondera Central mudare reNational Assembly, Cde Lawrence Katsiru, svondo rapera apo vaive muenzi anoremekedzwa pazuva rekupihwa kwemibairo kuvana vakabudirira pachikoro cheRoshval Primary School chaikoko.

Cde Katsiru vanoti pari zvino zvikoro zviri muMarondera zvishoma uye zvakazarisa nevana izvo zvinokanganisa kufunda kwavo kwakanaka.

“Pane kushomeka kwe- zvikoro zvepuraimari 25 uye zvisere bedzi zviripo zvishoma zvakanyanya. Tine masekondari matanhatu apo vadzidzi 60 vari kuwanikwa vari mukirasi imwe neimwe, nekudaro tiri kuda mamwe masekondari 11.

“Huwandu hwevana muno hwakanyanya uye vamwe vanotofamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro,” vanodaro.

Cde Katsiru vanoti vachabatsira vabereki vachazvipira mukuvaka zvikoro uye kuparurwa kwenzvimbo dzichavakwa zvikoro izvi kuchaitwa nekanzuru yeko.

“Tinokurudzira vose vakazvimirira vanoda kuvaka zvikoro kuti vauye uye ini pachangu ndichaenda kukanzuru kuti tione kuti tawaniswa nzvimbo dzekuvaka zvikoro izvi.”

Kuwandisa kwevanava muzvikoro, vanodaro Cde Katsiru, kwava kukonzera kuti vamwe vafundire pasi pemiti kana kuti vachizopinda masikati mushure mekunge vemangwanani vabuda, izvo zvinoderedza kusimukira kwedzidzo.

“Zvinorwadza kuti vamwe vana vari kuwanikwa vachitsva nezuva vachidzidzira panze uye zvinokanganisa fundo yavo sezvo nzvimbo dzavari kufundira dzisina kukodzera,” vanodaro.

Cde Katsiru vanoti mudunhu mavo mune zvikoro 55 zveEarly Child-hood Development (ECD) zvisina kunyoreswa zviri pamutemo. “Tine zvikoro 55 zveECD zvisina kunyoreswa uye bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari richapinda richivharisa zvikoro izvi nekuti hazvizivikanwe,” vanodaro. Asi vanoti chakanyanya kukosha ndechekuti bazi rezvedzidzo rionewo kuti zvikoro zveECD zviri mudunhu ravo zvinokwanirana nehuwandu hwevana.

Cde Katsiru vanorumbidza Mai Precious Muzambi-Lala, avo vanova muridzi weRoshval Primary School, nekugona kwavo kuzadzikisa zvido zvevanhu vemunharaunda iyi kuburikidza nekuvaka chikoro chakazvimiririra.

Vanotsidza zvakare kuti vachabatsira nezvidhinha 5 000 zvekuvaka mamwe makirasi pachikoro ichi uye kucheresa chibhorani.

Share This:

Sponsored Links