‘Masdc zivai pekugumira’

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views

Kwayedza

Nyasha Mutena
MUKURU wedzidzo mupurovhinzi yeHarare, VaChristopher Kateera, vanoti zvakakosha kuti makomiti anomirira vabereki, emaSchool Development Commitees, azive panogumira masimba awo kwete kuda kupindira-pindira mune zvisiri zvavo. Vakataura mashoko aya zvichitevera nyaya yakaitika nguva pfupi yadarika pachikoro chakazvimirira, cheRidgeview Primary School chiri muHarare, icho chakapotsa chavharwa nekuda kwemakakatanwa pakati pemukuru wechikoro ichi nevamwe vabereki nekuda kwekusabhadharwa kwemari dzefizi nenguva.

Mukuru wechikoro ichi, VaBasheer Abrahim, vakatadza kuwirirana nevamwe vabereki avo vairamba kubhadhara mari dzechikoro nenguva izvo zvakazoita kuti pave nenyonga-nyonga yakaita kuti SDC yepo ripindire.

VaKateera vanoti vakazoenda kunodzimura moto pachikoro ichi apo vakajekesera nhengo dzeSDC nevatungamiriri vechikoro kukosha kwakaita kuti vabereki vabhadhare mari nenguva.

SDC yepachikoro ichi inonzi yaitsigira vabereki vainonoka kubhadhara mari ichiti Hurumende yakaita chisungo chekuti hapana mwana anofanirwa kudzingwa nenhau yekuti mubereki wake atadza kubhadhara mari yechikoro.

VaKateera vanoti dambudziko rakadai rine makomiti ezvikoro zvizhinji apo maSDC anenge achida kuziva zvisinei nawo sezvakaita kudzinga kana kupa vadzidzisi basa uye mamwe acho anokwereta mari kubva kuzvikoro nezvinangwa zvakasiyana zvakaita sekuda kutanga mabhindauko.

Vanoti izvi hazvitenderwe sezvo basa remaSDC riri rekusimudzira pamwe nekuvandudza budiriro yezvikoro kwete kuda kutora mari nechikiribidi.

“Zvikoro zvizhinji zviri kuita dambudziko nemakomiti eSDC nekuti mamwe acho anoda kupindira nyaya dzisingaenderane nezvavakatemerwa zvinova zvinodzosera budiriro yechikoro kumashure,” vakadaro VaKateera.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaAbrahim uye nhare yavo yakange isingabatike.
Zvakadaro, mukuru wechikoro chePinewood High School muHarare, VaNathaniel Madzivanyika, vanoti zvakakosha kuti pave nekutaurirana kwakanaka pakati pevakuru vezvikoro nemaSDC kana pachinge paine zvinonetsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>