Masvingo yotungamira mukuchecheudzwa

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Masvingo yotungamira mukuchecheudzwa

Kwayedza

Catherine Murombedzi
MUKUTANGWA kwechinhu chese chinofanirwa kusvika kumagumo kwacho kana kuti kuzadziswa. Topa muenzaniso werwendo, ukarutanga haungagumire panzira asi kuti kuguma kwarwo kusvika parunofanirwa kuperera nekuti kudududza kunoratidza kufunga kaviri kunova kusagutsikana nezvauri kuita.

Chinangwa chechinyorwa chino kupanana mazano pazvinhu zvitsva zvingadai zvapararurwa pamusoro peHIV uye nekuramba tichiyeuchidzana kuti kumhunga hakuna ipwa. Tisatambe nedope pasina mvura HIV hairapike mira uri pauri kwete kutanangira nzira kana kuchera mvura mutsime rese-rese.

Svondo rino ndati ndikupakurirei zvinofadza zviri kuitika kudunhu reMasvingo pamusoro pekuchecheudzwa.

Kuchecheudzwa ndoumwe mukana unoitwa kuvanhurume wakanangana nekuderedza kutapurira HIV. Mumwedzi waNyamavhuvhu, pazororo revana vechikoro, kwakashambadzwa kubva musi waChikunguru 25 kusvika Gunyana 11 kukurudzira kuchecheudzwa kwevanhurume.

PSI yemuMasvingo yainge ine chinangwa chekuchecheudza varume vanosvika 3 100 asi huwandu uhwu hwakakwana 4 278.

“Tapfuura huwandu hwevarume hwatainge takatarisira kushambadza kwatakaita kwakabudirira zvikuru,” vakadaro VaMorgen Chinoda vanova community mobilising officer wePSI.

Chakanyanyofadza ndechekuti kushambadzwa uku kwakaitwa panguva imwe chete inochecheudzwa vamwe vanhurume vemudunhu umu zvinova zvinhu zvavanogara vachiita gore rega-rega munguva yemuchando saka nekuda kwechiitiko ichi vakabva vaita mushandirapamwe.

PSI pamwe chete nevanhu verudzi rweTshangani neVaRemba, avo vanochecheudza vanhurume verudzi rwavo munguva iyi gore rega-rega, vakabudirira.

Ishe Sengwe vekuChiredzi vakatungamirira vanhu vemudunhu ravo muchirongwa ichi sezvavanogara vachiita makore ese.

“PSI Zimbabwe iri kubatsira mapoka mashanu kubva mumatunhu manomwe emuMasvingo anoti Masvingo, Chivi, Chiredzi, Mwenezi neGutu,” vakadaro VaChinoda.

Mugore ra2009, Hurumende yakatora kuchecheudzwa sechimwe chinhu chinokosha mukudzivirira kutapurira utachiona hweHIV.

Munyika ino chidimbu chevarume chinosvika 10 percent chakachecheudzwa. Zvakaonekwa mune zvakabuda kubva muongororo yakaitwa kunyika dzinoti South Africa, Kenya neUganda kuti kuchecheudzwa kunobatsira mukuderedza kutapurira utachiona hweHIV nechikamu che60 percent.

Bazi rezveutano nekurerwa zvakanaka kwevana nevavanoshanda navo vari kuda kuona kuti kuchecheudzwa zvisina kumanikidzwa kuwanikwe munharaunda dzese.

Mugore ra2013, munyika yose vanhurume 90 000 vakachecheudzwa kana zvichienzanisa ne40 755 vakachecheudzwa muna 2012, sekutaura kwaDr Owen Mugurungi vanova Head of AIDS and TB Unit kubazi iri.

Imwe nzira yekuti chirongwa chifambe zvakanaka kudzidziswa kwanachiremba, anamukoti nevanhu vanovabatsira.
The 2009 National Male Circumcision Policy inokurudzira kuchecheudzwa kune kuremekedza magariro nezvitendero zvevanhu.

“Pavarume vese vakauya kuchirongwa ichi hapana akarasikirwa nehupenyu kana akasangana nedambudziko mushure mebasa irori vese vakadzokera kudzimba dzavo vari vatano,” vakadaro VaChinoda.

Mune dzimwe nzvimbo dzisingatenderane nekuchecheudzwa, havana kunyanyozvitambira nekuda kwekushaya dzidziso nechenjedzo yakakwana. Kune vechidiki, zvakatambirwa zvakanaka nekuda kwekuti vanenge vaine vamwe vanhu vavanenge vachikura vachiyemura vakachecheudzwa.

Kana usati wachecheudzwa zviri kwauri nekuti hazvimanikidzwe asi kugara wakagadzirira zvinokosha nekuti hauzive musi nenguva pazvinozokubatsira.

Munguva ino yatava kupinda yekunaya kwemvura munhu akangwara anofamba nesumburera nekuti nguva yainonaya hauzive saka garai makagadzirira kuchecheudzwa kwanakira iwe nemudiwa wako.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey