maticha 10 000 opinzwa basa

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
maticha 10 000 opinzwa basa VaDokora

Kwayedza

HURUMENDE ine hurongwa hwekupinza mabasa varairidzi vanodarika 10 000 pamwe nevatungamiriri vezvikoro, vazhinji vacho avo vachaendeswa kuzvikoro zvekumaruwa senzira yekuderedza kushomeka kwevadzidzisi vakafundira basa munyika.Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, svondo rapera vakaudza dare reParamende kuti vakapihwa mvumo nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuti vachitora varairidzi nevakuru vezvikoro ava.

Vanoti Hurumende iri kutarisira kuzovhura zvimwe zvikoro zvakawanda nekufamba kwenguva.

“Mvumo iyi takaipihwa kutanga kwetemu yepiri. Ndipo patakataurirwa kuti tinofanira kupinza vamwe varairidzi nevatungamiriri vemuzvikoro mabasa. Kubva ipapo, tiri kushanda nesimba kuti tione kuti zvazadzikiswa.

“Tinoda kuti maticha akawanda aende kunoshandira munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva nekumaruwa nedzimwe dzine kushomeka kwevarairidzi,” vanodaro Dr Dokora. Vanoti Zimbabwe inofanira kuva nevarairidzi vanosvika 130 000, avo vanokwanisa kubhadharwa zvakaringana nebazi rinoona nezvehomwe yenyika.Dr Dokora havana havo kuzokwanisa kutaura kuti varairidzi vangani vakatopinzwa basa pari zvino.

Zvisinei, sangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers Association (Zimta), rinoti maticha anosvika 120 000 ndivo vari pabasa munyika yose, kureva kuti panodiwa vamwe 10 000.

Cde Dokora vanoti bazi ravo rinotarisa mamiriro akaita zvikoro pamwe nekuti zvakanyoreswa here mukupinza varairidzi ava mabasa.

Vanoti zvakare pose panoitwa nhaurwa yezvekupinzwa kwevarairidzi mabasa, Hurumende inotarisa kuti vange vachibhadharwa.

“Pane imwe nguva apo gore radarika rave kunopera takataurirwa nezvevashandi vaibhadharwa izvo vasiri pamabasa (ghost workers) kubazi rangu. Kuti izvi zvisange zvichiitika zvakare, panofanira kuva nesungawirirano pakati pebazi redu, bazi rinoona nezvehomwe yenyika nerevashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya,” vanodaro Cde Dokora. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey