Maticha ekumaruwa ohora

06 Jul, 2014 - 07:07 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE yakatanga zvakare kupa varairidzi vanoshandira kumaruwa mari yekuvasimudzira mubasa ravo, yeHarship Allowance, iyo inove chikamu che5% chemari yavanotambira pamwedzi.
Danho iri rinogona kuita kuti pave nemusiyano pakati pevarairidzi vemuzvikoro zvekumaruwa nevemumadhorobha, avo vane imwe mari yavaiwana yemaincentives kubva kuvabereki iyo yakamiswa neHurumende.

Vadzidzisi vekumaruwa vaimbowana mari yeHardship Allowance asi vakazomira kubhadharwa mugore ra2009 apo pakatanga kushandiswa mari yekunze kwenyika panguva yaipihwa mushandi wose weHurumende US$100.Masangano anomiririra vadzidzisi anoti Hurumende yakatanga kubhadhara varairidzi vekumaruwa Hardship Allowance uye vakawanda vavo vari kuwana pakati peUS$15 neUS$25 pamwedzi zvichienderana negiredhi ravo.

Asi zvinonzi mari iyi iri pasi kana zvichitariswa chikamu che5% chemari yaidiwa nevashandi neHurumende.
Mukuru weZimbabwe Teachers Association, VaRichard Gundane, avo vanove zvakare mukuru weApex Council, vakati kunyangwe zvazvo chikamu chemari iri kupihwa vadzidzisi chiri pasi pezvavari kutarisira, vari kuwana donhodzo pakuti Hurumende iri kuziva kuti kune vashandi vanoshandira kumaruwa.

Vakati kubviswa kwakange kwaitwa mari idzi kwakaona vashandi vakawanda veHurumende vasingade kuenda kunoshandira kumaruwa.

“Varairidzi vekumaruwa vari kuwana mari iyi kwemwedzi mitatu yadarika uye kuiswa kwakaitwa chikamu che5% ichi chiratidzo chekuti varairidzi vekumaruwa vari kukosheswa,” vakadaro.

Mushandi ari kutambira mari iri pasi-pasi muHurumende anowana US$375 pamwedzi.
Munyori weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vakati Hurumende inofanira kuramba ichisimudzira vashandi vayo. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links