‘Maticha kurova vana bodo’ -Ngavarangwe, kwete kuponda -Mutemo uyu hausi wemuAfrica

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
‘Maticha kurova vana bodo’ -Ngavarangwe, kwete kuponda -Mutemo uyu hausi wemuAfrica

Kwayedza

Student-Spanking
Soblina Gumbochuma  na Margaret Chendambuya

VANA vechikoro nevabereki vakapa pfungwa dzavo pamusoro pemutemo unoti vana vasarohwe nevadzidzisi apo vamwe vaitsigira vamwe vachipokana nawo. Tinashe Gushure (16), uyo anodzidza paNAEXPL iri kuSunningdale 2, muHarare anoti pavakaudzwa nemukuru wechikoro chavo kuti vadzidzisi havachabvumidzwa kurova vana, pakaita mufaro pakati pevana.

“Vana vese vakafara pachikoro nekuda kwemutemo uyu nekuti hapana anoda kurohwa, kunyange atadza. Asi ini ndinoona zvakanaka kuti vana varohwe nevadzidzisi muzvikoro nekuti vakasarohwa havazoterere. Pane mumwe anenge aine misikanzwa isingade kungotaurirwa nemuromo chete asi neshamhu,” akadaro Tinashe.

Takudzwa Dhliwayo (15) anoti kurova vana kunoenderana nekuti mhosva yacho yakaita sei nekuti kune vamwe vadzidzisi vanongorova vana pasinei mhosva yavanenge vapara.

“Mutemo uyu hausi wemuAfrica nekuti isu vana vechitema tinofanira kuita tsika dzakanaka kuburikidza nekurairwa pamwe nekurohwa. Isu tinoremekedza vakuru vedu zvekuti wese anenge akutsiura unomutora kuti mubereki wako. Vana vekuAmerica nekuEurope ndivo vanoti havatsiurwe kana kurohwa nani zvake asi mukatarisa misikanzwa yavanoita isu muno tinototyawo kuti vana here vanoita zvakadaro. Saka kurova mwana kwakanaka,” akadaro Dhliwayo.

Vamwe vana vepaRoosevelt Girls High vakati kuchikoro kwavo vakagara havarohwe.
Mumwe wevana ava, Patience Tabvei (14), akati vana vekuchikoro kwavo vanofarira kusarohwa kwavanoitwa.

“Kuchikoro kwedu tinofara nekusarohwa nekuti misikanzwa yacho hatinyanye, tinotsiurwa nemazwi.
“Kwatiri zvakakwana izvozvo asi kune zvimwe zvikoro, kunyanya zvinosanganisa vakomana nevasikana, zvine vana vane misikanzwa zvekuti kurohwa chete ndiko kunovaita vanhu kwavo,” akadaro Patience.

Takudzwa Makaya (17), wekuMt Pleasant, anoti kuchikoro kwavo vanorohwa izvo zvaanoti zvinoita kuti vadzidze nesimba.
“Kuchikoro kwedu tinorohwa uye pamwe pacho tinonzi timhanye kutenderera nhandare yechikoro kagumi kana tanonoka kuuya kuchikoro. Asi izvi hazvinyatsoita nekuti tinozopinda muchikoro tave nedikita uye taneta,” akadaro Makaya.

Vamwe vabereki vakataurwa navo vakatsigira kurohwa kwevana nevadzidzisi.
“Kana mwana achirohwa ngazvirege kunge kuuraya, mwana anofanira kuziva kuti ari kurangwa kwete kunge ave kuda kupfuudzwa uye zvinoroveswa vana ngazvive zvinoenderana nekuranga kwete kurova nezvamboko,” vakadaro VaTeddy Mushipe (50), vemuHarare.

“Isu vanhu vatema vana vedu vane hunhu hwakanaka saka kana pave nemutemo wekuti vasarohwe zvave kuita kuti vaite semhuka chaidzo,” vakadaro.

Mashoko avo akatsigirwa naVaReznat Kanhukamwe (48) avo vanoti vana ngavarangwe kuzvikoro.
“Pakukura kwedu isu tairohwa kuzvikoro kana kumba nemubereki wese anenge aona kuti tatadza.

“Izvi zvakaita kuti mazera edu tive vanhu vakanaka, vasina hunhu hwehunhubu hwaveko mazvuva ano.
“Mutemo iwoyo wekuti vana vasarohwe wakaiswa nemunhu asina mwana chete nekuti ane mwana anotoziva kuti anoda kurohwa kuti ave negwara kwaro reupenyu. Hatina kuti vana ngavapondwe asi kurangwa kwakanaka kunoita kuti remangwana revana rive rakajeka,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey