Maticha vowaniswa dzimba

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Maticha vowaniswa dzimba Primary and Secondary Education permanent secretary Dr Sylvia Utete-Masango(left) tours Glenview 2 Primary School's aquaculture compound in Harare yesterday.-(Picture by Tawanda Mudimu)

Kwayedza

HURUMENDE inoti yakatanga chirongwa chemushandirapamwe nemakanzuru nedonzvo rekuwanisa varairidzi dzimba.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete, paGlen View 2 Primary School, muHarare, pakupihwa kwemubairo weSecretary’s Merit Award kuchikoro ichi neMuvhuro svondo rino.

Dr Utete-Masango vanoti zvakakosha kuti varairidzi vange vachibva mudzimba dzakanaka vachienda kumabasa avo.

“Pese panovakwa chikoro chitsva panofanira kunge pachivakwawo dzimba dzematicha. Tiri kushanda nekanzuru yeHarare kuti inge ichitiwanisa nzvimbo yekuti tivake chikoro chakaita sechino chinova chakavakwa tisati taita chikumbiro chino uye pachange pachivakwawo dzimba dzematicha sehurongwa hwatiinahwo,” vanodaro.

Dr Utete-Masango vanoti bazi ravo riri kushanda nevemabhanga kuti vange vachipa zvikwereti kuvarairidzi kuitira kuti vakwanise kuvaka dzimba dzavo.

“Tiri kushanda pamwe nemabhanga akadai seCABS neFBC Bank, saka tichanogara pasi kuti tione kuti tingabatsirana sei,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, mukuru weGlen Veiw 2 Primary, VaLawrence Madzemure, vanoti chikoro chavo chinonzwa manyuku-nyuku nekuhwinha kwachakaita mubairo weSecretary’s Merit Award.

“Kusarudzwa kwatakaita kuti tinge tichihwinha mubairo uyu kwaisava nyore asi zvinofadza nekuti kwatipawo miono yemberi,” vanodaro.

Vanoti zvese izvi zvakabva mukushanda nesimba uye kubatana.

“Budiriro yatinayo pano inotifadza uye hatisi kuzombozorora, ticharamba takashinga mukuita basa redu nemazvo,” vanodaro.

Bhanga reFBC rakapa rubatsiro rwemidziyo yeICT inokosha $10 000 inosanganisira maLaptop 45 achashandiswa nevana vechikoro, projector nebhodhi rekunyorera.

Priscilla Sadomba, uyo anova head of marketing kuFBC, anoti vari kushanda pamwe nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari senzira yekudzorera kuvanhu nemunharaunda. — The Herald.

Share This:

Sponsored Links