Matongerwo enyika

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
5. Sarudza nhetembo ina dzezvematongerwo enyika dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo ugotsanangura zvinotaurwa mune imwe neimwe yadzo. [25]

Nhetembo dzandasarudza ndeidzi; Utongi hwemuAfrica naFrancis Matambirofa, Kumaruva kwedu naAlouis T. Sagota, Bumbiro remutemo naToyindepi M. Musiyiwa uye Ndiani achadzoka nemhinduro? kubva kuna Norlan Makwarimba.

Mudetembo raFrancis Matambirofa rinonzi Utongi hwemuAfrica, anoti vapambepfumi vaishungurudza zvizvarwa zvemuAfrica sepaanoti, “Mwana wemuchena akatifemesa marimi emwoto.” Nyanduri anoti kubva pakaenda vapambepfumi vanhu vatema vachiri kungoitirana utsinye sepaanoti, “Mwana wamai, kubva muchena paakaenda wakavaka majeri mangani aunotsvukisira vasingakupfugamiri?” Nyanduri anoti vanhu vatema tiri kubatanawo sevaranda mumabasa sepaanoti, “Asi nhasi vashandi vemigodhi nemapurazi ako inhapwawo zvakare.”

Mudetembo rakanzi Kumaruva kwedu, Alouis T. Sagota anoti vamiririri vavo vemuparamende havavawanisewo mukana wekuti vambokurukura vese sepaanoti, “Kana vauya havana kanguva kana chinguva nesu.” Nyanduri anoti kunyangwe rubatsiro rwukawanikwa, harwusi kusvika kuvanhu vese vanofanira kurwuwana sepaanoti, “Netsitsi vobudisa dzisingasviki mangwana pasuro, kwasabhuku ndiko kwadzinogumira.” Nyanduri anoti vari kuramba vachitambudzika nekuti zvichemo zvavo hazvisi kusvitswa mudare rinomiririra zvido zvevanhu pakugadzirwa kwemitemo sepaanoti, “Mudare guru reparamende mbira toshaya miswe nokutumidzira.”

Kubva mudetembo raToyindepi M. Musiyiwa rinonzi Bumbiro remutemo, anoti pakunyorwa kwebumbiro remutemo rekutanga chirongwa chacho chaitungamirirwa nemuchena sepaanoti, “. . . sachigaro ariyeka Carrington, mwana womuBhiritishi.” Nyanduri anoti pakunyorwa kwebumbiro remutemo rekutanga vakuru vemapato enyika vakaita muonerapamwe sepaanoti, “VaMugabe naVaNkomo vaivapo, vakabatana.” Nyanduri anoti pakamboitwa rimwe bumbiro remutemo rechipiri asi harina kutambirwa nevanhu sepaanoti, “. . . rechipiri ndiye pfacha, sarudzo heyo yauya, yava shandukuminya, zvikanzi hatiridi, hatiridi!”

Nyanduri Norlan Makwarimba mudetembo rake rinonzi Ndiani achadzoka nemhinduro?, anoti vanhu vane nzara asi vamiririri vavo venharaunda vari kudya nehurumende vachiguta sepaanoti, “Taziya nenzara asi ivo vachikambudzana zvavo zvemuzunde ramambo.” Nyanduri anoti zvakunetsa kuti vawane mukana wekukurukura nevamiririri venharaunda yavo sepaanoti, “Kutaura navo nhasi zvotoda kutanga wanyoresa.”

Nyanduri anoti havachasarudzizve vamiririri venharaunda sepaanoti, “Chatichenjedza ndechakatanga, zvichanzi pamberi kana pasi nanhingi asi tigoti zi-i, hatichabudi mudzimba.”

6. Sarudza nhetembo shanu dzinotaura nezveupenyu hwemwanasikana dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana muna Mutakunanzva Wenhetembo. Chitsanangura zvinotaurwa mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndasarudza nhetembo dzinoti; Muperekedzi wakodzero ndiUnhu naToyindepi M. Musiyiwa, Dzidza mwanasikana naNyevero Maruzani, Ndiko kunamata here? naBetty Mpofu, Yambiro yangu kuna Chiedza naIgnatius C. Musonza uye Nyarai vanasikana! naTawanda Mushimbo.

Mudetembo raToyindepi M. Musiyiwa rinonzi Muperekedzi wakodzero ndiUnhu, anoti mwanasikana anofanira kupiwa mukana wekuenda kuchikoro sepaanoti, “Dzidzo yake mupei mwanasikana.”

Nyanduri anoti zvido zvemwanasikana ngazviteererwe nekuzadziswa sepaanoti, “Nhasi izwi remwanasikana ngarinzwike!”

Kubva mudetembo raNyevero Maruzani rinonzi Dzidza mwanasikana, anoti mwanasikana anofanira kushuvira kuwana dzidzo yepamusorosoro sepaanoti, “Kupfekedzwa nguo tema netsvuku ngachive chidokwairo chomwoyo wako.”

Nyanduri anoti mwanasikana ngaasimbirire mabhuku sepaanoti, “Zvipire uzvitsaurire kunzira yechikoro.”

Mudetembo Ndiko kunamata here?, nyanduri Betty Mpofu anoti vanasikana vari kupiwa kuvarume sezvibairo muzvitendero sepaanoti, “Mukuru wekereke akanga arotswa hope, kuti amai vangu vapore zvachose ndaifanira kuita mukaranga wake.”

Nyanduri anoburitsa mwanasikana achiwirwa nedambudziko rekurwarirwa nemubereki sepaanoti, “Kungorwara kwakaita amai chete, zvose zvakabva zvaita manyama amire nerongo.”

Nyanduri Tawanda Mushimbo mudetembo rake rinonzi Nyarai vanasikana!, anonyunyuta pamusoro pemwanasikana anosiya muviri wake pachena sepaanoti, “Munofamba musina kusimira, munozviitirei chaizvo?”

Nyanduri anonyunyuta pamusoro pemwanasikana nekuti ari kupfeka zvisina chimiro chakanaka sepaanoti, “Mapfekero enyu anonyadzisa.”

Ignatius C. Musonza anotipa rimwe detembo rinonzi Yambiro yangu kuna Chiedza, anorayira mwanasikana kuti anofanira kushinga nekuti hapana chinouya agere sepaanoti, “Kukwira gomo hupoterera, wada mari shanda!” Nyanduri anorayira mwanasikana kuti upenyu hwashanduka, mazuvano zvave kuda chikoro sepaanoti, “Vakare vairima, vanhasi vodzidza.”

Share This:

Sponsored Links