Matumbu akasangana nemaguru

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Matumbu akasangana nemaguru

Kwayedza

USAVI hwematumbu akasanganiswa nemaguru emombe kana embudzi kudya kwakabvira pasichigare uye kunonaka zvikuru pamwe nekuvaka muviri.

Svondo rino Tawanda Sanganai wekuGlen View 3, muHarare, anotsanangura mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Matumbu, maguru, matomatisi, hanyanisi, mafuta, munyu nemhiripiri.

Mabikirwo:

Geza matumbu nemaguru kusvikira zvachena.

Cheka maguru muzvidimbu woamona nematumbu.

Chizvifashaidza kweawa nechidimbu.

Ita kuti zviibve uye kana muto wava mushoma, isa mafuta mashoma wokanda munyu.

Siya muto upere wombokanga zvishoma.

Kanda hanyanisi wokanga, wozoisa matomatisi akachekwa-chekwa.

Dira mvura shoma kuti uwane muto wakakora.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu uye usaise godzamuto.

Unogona kuisa tumhiripiri sesarudzo yako.

Kana zvadai chibura unakirwe hako nehama neshamwari. Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links