MaWarriors orumbidzwa

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MUIMBI ane mukurumbira Jah Prayzah akabatana neshasha pakushamarara zvemitambo nekuongorora nhabvu, Charles Mabika, mukuimba kambo kanonzi “Handei MaWarriors” kekurumbidza chikwata chenhabvu chenyika zvichitevera kubudirira kwachakaita kupinda mumakwikwi eAfrica Cup of Nations (Afcon) ayo achaitirwa kuGabon gore rinouya.

Zimbabwe ndiyo nyika yega mudunhu reSouthern Africa yakakwanisa kupinda mumakwishu aya.

Muhurukuro neKwayedza, Mabika anoti vakaparura kambo aka nedonzvo rekutunzvaidza maWarriors zvichitevera kusimudzira kwavakaita mureza weZimbabwe nekupinda mumakwikwi aya.

Jah Prayzah

Jah Prayzah

“Handei MaWarriors kambo katakabura kuti veruzhinji vazive kukosha kwemaWarriors kuburikidza nekugona kwavakaita kuti vasvike kumafainari. Pari zvino tiri kuziva kuti sangano reZifa harina mari saka kambo aka tiri kukashandisa zvakare senzira yekupemha mari kune vemabhizimisi kuti kana vaine rubatsiro rwavanokwanisa vatipe kuti vakomana vaende nekubatsirikana zvakakwana kuAfcon. Tiri kuda kuti vanhu vazivewo nezvekuenda kwevakomana kuGabon, vape rutsigiro rwakasimba nekuti tine tarisiro yekuti vanohwinha zvisinei nekuti vari kutamba nematimu akaita sei. Zvakaita kuti vasvike pavave apa zvinogona kuita kuti vahwinhewo zvakare pavanoenda kuGabon,” anodaro Mabika.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakasarudza kuimba naJah Prayzah nekuti ndiye muimbi wechidiki ane mukurumbira anokwanisa kukwezva vanhu vakawanda kuti vateerere kambo aka uye ndakabvira kare ndiine hushamwari hwakanaka naye zvekuti hazvina kundinetsa kuti tibatane mukunyora kambo aka. Parizvino tiri kuronga kubura vhidhiyo rekambo aka munguva pfupi iri kutevera.”

Charles Mabika

Charles Mabika

Anoti zvakakosha kuti veruzhinji vatsigire chikwata chenhabvu ichi.

“Ndinongoti vatsigiri venhabvu varambe vachitsigira mutambo uyu nekuti tine tarisiro yekutora mukombe kana tikatamba nesimba uye pakava negadziriro dzakakwana pachine nguva. Dai vemabhizimisi vakapindirawo mukubatsira kuti vakomana vedu vaende zvinhu zvose zvavo zvakakwana nekuti rubatsiro irworwo rwunoita kuti vave nesimba mukutamba kwavo,” anodaro Mabika.

Maneja waJah Prayzah, Keen Mushapaidze, anoti  maWarriors akadadisa naizvozvo anofanira kurumbidzwa nekupihwa rutsigiro rwakakwana mukuenda kwavo kumafainari eAfcon.

“Kune vanhu vakawanda vanogona zvakasiyana-siyana tichivatsigira nekuvarumbidza vachipihwa mibairo yakasiyana. MaWarriors eduwo anoda rutsigiro rwakangofanana nerunopihwa chero vaimbi vakaita sanaJah Prayzah. Tinokoshesa kugona kwakaita vakomana ndokusaka takaronga kuva nekambo aka uye munyika tinofanira kuva nekubatana mukupembedza ane chaagona kungava kumutambo kana kuvaimbi nekuti zvinosimudza mureza wedu senyika.

“Takabatana naMabika mukambo aka sezvo ariye anozivawo zvemutambo wenhabvu uye tinowirirana zvakanyanya. Kambo aka kanopa vakomana manyuku-nyuku ekuti vanotamba nesimba pavachaenda. Vhidhiyo rekambo aka riri kuuya nguva diki iri kutevera,” anodaro Keen Mushapaidze.

Share This:

Sponsored Links