MaWarriors siyai juju: Muporofita

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
MaWarriors siyai  juju: Muporofita Prophet Adelino Caitano

Kwayedza

Prophet Adelino Caitano

Prophet Adelino Caitano

KUKUNDWA kwakaitwa chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors mumakwikwi eAfrican Nations Championship (CHAN) ayo ari kutambirwa kuRwanda mumitambo miviri yekutanga neZambia neMali kwakakatyamadza vatsigiri vazhinji vemutambo uyu zvakavasiya vaine mibvunzo yakawanda.

Vatsigiri venhabvu vari kupa zvikonzero zvakasiyana izvo vanofunga kuti ndizvo zvinogona zvakakundisa maWarriors kutadza kufambira mberi mumakwikwi aya zvinosanganisira kutadza kugadzirira zvakasimba, kubata-bata mishonga kana kuti kushandisa juju kwevatambi uye nekusava nevatambi vane tarenda rinokodzera kutamba mumakwishu akadai.

MaWarriors akakundwa mitambo yawo yekutanga miviri neZambia neMali iyo yese yakapera iri 1-0.

Mumwe muporofita wekereke yeHope and Honor Ministries, Adelino Caitano, anoti kukundwa kwakaitwa maWarriors inyaya yekuti vatambi vazhinji vari kushandisa mishonga.

Achitaura svondo radarika kuMabvuku, uko anonamatira, Prophet Caitano akati vatambi vazhinji vave kufunga kuti mishonga ndiyo inovatambira nhabvu nekudaro havachade kushandisa matarenda avo.

“Vatambi vedu venhabvu vave kushandisa nzira dzisidzo kuti vatambe mutambo uyu. Pane kubata-bata nekupikisana kwemweya kwavepo ndiko kuri kutadzisa chikwata ichi kukunda.

“Vave kuisa kutenda pazvinhu zvavanenge vapiwa zvobva zvatadzisa kuti bhora rinyatsotambwa nehunyanzvi. Mumwe ane makwati uye mumwe ane tsombori.

“Asi vakashandisa tarenda ravo rega sezvariri pasina kubata-bata vanosvika kure.

“Hazvisi kuvatambi vega, vatungamiri vavo vari kubata-batawo zvakare ndokwazviri kutangira,” akadaro Prophet Caitano.

Zvakadaro, kaputeni wemaWarriors, Willard Katsande, anoti inyaya yenhando inotaurwa naProphet Caitano yekuti maWarriors ari kushandisa mishonga.

Katsande anoti nyika yese yakange isiri kutarisira kuona maWarriors achikundwa asi kuti vaifunga kuti ichaenda kure zvichitevera matambiro avakamboita kumakwikwi aya mugore ra2014.

“Taitarisira kuona tichienda kure mumakwikwi aya nekuti patakapedzisira kunokwikwidza mugore ra2014 takatamba nhabvu inonwisa mvura.

“Asi pane zvatakadzidzawo zvedu kumakwikwi aya, ngatichitange kugadzirira mitambo iri mberi, kunyanya yeCosafa Cup neAfcon iyo inotevera.

“Zvekuti maWarriors akakundiswa nekuda kwejuju kana kuti vakomana vari kubata-bata hakuna zvakadaro, ini handisati ndambozviona.

“Muhupenyu hwatinorarama munhu wese ane mafungiro ake saka ini hangu handina hangu zvakawanda zvekutaura pamusoro penyaya iyi,” akadaro Katsande.

 

Share This:

Sponsored Links