mayunivhesiti nehuori

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
mayunivhesiti nehuori

Kwayedza

— ‘Muri kushungurudza vakadzi’
—Tiri kutora matanho: Gandawa

Tandayi Motsi —
BAZI redzidzo yepamusoro nekusimudzirwa kwesainzi rinoti riri kutora matanho akasimba ekudzivirira vanhukadzi vanodzidza kumakoreji nemayunivhesiti kuti vasambunyikidzwe – zvikuru panyaya dzepabonde – nevadzidzisi vavo kana vamwewo vanhurume.

Mashoko aya akataurwa mudare reNational Assembly svondo rapera nemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Dr Godfrey Gandawa, apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation, Mai Jennifer Mhlanga.

Mai Mhlanga vaida kuziva zviri kuitwa neHuremende mukuchengetedza vanhukadzi vari kumakoreji nemayunivhesiti kuti vasambunyikidzwe.

“Vanhukadzi vakawanda vari kudzidza kumakoreji nemayunivhesiti vari kumbunyikidzwa zvakanyanya. Ongororo yakaitwa inoratidza kuti chikamu chevanhukadzi ava chinosvika 74% chiri kushungurudzwa. Vari kushungurudzwa zvakanyanya zvekuti vamwe vari kusvika pakubatwa chibharo nevarairidzi vavo pamwe nevamwe vanhurume vavanodzidza navo,” vanodaro.

Mai Mhlanga vanoti vadzidzi ava vari kushungurudzwa nemagadhi anoshandira pavanenge vachifunda zvakare.

“Tine vamwe vanhurume vasiri vadzidzisi vanoshanda pamakoreji nemayunivhesiti aya pamwe nemagadhi avo vari kushungurudzawo vanhukadzi ava. Chikonzero chikuru chinoita kuti vashungurudzwe ndechekuti vawaniswe chikafu, kupihwa mamakisi epamusoro pane zvavanonyora zvedzidzo pamwe nepekugara. Mutemo weHurumende unoti kudii nekuchengetedza mwanasikana kuitira kuti vanopara mhosva dzakadai vakandwe mutirongo?” vanodaro Mai Mhlanga.

Vachipindura, Dr Gandawa vanoti ichokwadi kuti vanhukadzi vari kushungurudzwa nenzira dzakasiyana kumakoreji nekumayunivhesiti.

“Sebazi, hatikurudzire kushungurudzwa kwevadzidzi kwakadai uye tikaziva varairidzi vanozviita tinotora matanho akafanira. Tine gwaro ratiri kugadzira (sexual abuse and harassment policy) kuitira kuchengetedza vanhukadzi kubva mukushungurudzwa kumayunivhesiti nemakoreji. Vadzidzi vakawanda vatinavo vane makore anodarika 18 okuberekwa uye dzimwe nguva vanenge vachitenderana nezvinenge zvichiitika,” vanodaro. Vanoenderera mberi vachiti, “Takatenderera kumayunivhesiti nemakoreji ose anokwana 46 munyika muno tikaona nyaya iyi ichinetsa zvikuru. Kwose kwatakaenda tichitaura nevadzidzi, nyaya yekushungurudzwa iyi yaibuda.

“Munguva pfupi iri kutevera, ndichange ndichiunza gwaro iri mudare rino reParamende rekuchengetedza vanhukadzi kuti vasashungurudzwe munzvimbo dzavanodzidzira kuti rigozeyewa,” vanodaro Dr Gandawa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey