Mayweather, McGregor votatsurana

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Mayweather, McGregor votatsurana

Kwayedza

MUTAMBO waFloyd Mayweather (40) – uyo asati ambokundwa mutsiva – naConor McGregor (28) mutambi wemixed martial arts wave pedyo kuitika zvichitevera kusayina kwakaitwa kondirakiti naMcGregor yekuti varwe.

Mutungamiri weUFC, Dana White, akazivisa nezvemutambo uyu apo aitaura paterevhizheni pachirongwa cheTNT zvichitevera kupera kwemutambo weNBA weEastern Conference Finals.

“Kudivi kwaMcGregor tapedza, tave kutanga kugadzirisa kudivi raMayweather manje,” White akadaro.

“Ndapedza rimwe divi. Saka tikasvika pakupedzerana naMayweather mutambo unoenderera mberi.”

McGregor akazivisa kuti mutambo uyu wave kubudirira apo akaburitsa chinyorwa padandemutande reThemaclife.com.

“Chekutanga uye chakakosha ndechekuti tapedza kusayina kuti mutambo uyu mukuru munhoroondo yetsiva wave kuitika. Makorokoto kune vese vange vachimhanya-mhanya kuronga kuti zviitike. Tave kumirira Al Haymon nemutambi wake kuti vasayine mumazuva anotevera,” anodaro pachinyorwa ichi.

Zvisungo zviri muchibvumirano ichi hazvina kuziviswa kune veruzhinji.

McGregor ndiye mutambi mukuru anobhadharwa mari zhinji kuUFC mixed martial arts kozoti Mayweather akasendeka tsiva mugore ra2015 ahwina ka49 asina kumbokundwa.

Mapoka maviri evatambi ava ange achingoudzana mashoko vachivhundutsirana mwedzi yadarika.

Mutambo uyu ukabudirira uchange uri wetsiva. – SportsMail Boxing.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey