Mayweather na Pacquiao voda kuzvibakisa futi

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Mayweather na Pacquiao voda kuzvibakisa futi

Kwayedza

MUTAMBO wechipiri pakati paFloyd Mayweather naManny Pacquiao uri kurongwa kunyangwe hazvo vatambi ava vachiti vakasendeka zvetsiva.

Kwete izvozvo chete, sezvo Amir Khan anogona kuwana mutambo waange akamirira naPacquiao muchikamu chetatu kumitambo yeRio Olympics.

Zvose izvi zvabuda mumazuva adarika.

Puromota wetsiva ane mukurumbira – Bob Arum – akabuda pachena kuti pane mukana wekuti Mayweather naPacquiao vanogona kurwa zvakare zvichitevera kuhwina kwakaita PacMan mutambo wake wechitatu naTim Bradley svondo radarika.

Pahurukuro dzakazotevera pakati paMayweather nemutungamiri weShowtime US television cable network, Stephen Espinoza, akati, “Kana pana chikumbiro chakauya chekuti mutambo uyu utambwe zvakare, ndinovimba kuti Floyd achafungisisa nezvazvo zvakare.

“Zviri kuvatsigiri pamwe nemapepanhau asi kana vanhu vachida nezvemutambo uyu mazwi avo akanzwikwa tichatanga kuuronga.”

Mukana waKhan wekurwa naPacquaiao wakasimudzwa zvakare zvichitevera kutaura kwaakaita kuti anoda kuenda kuRio kunokwikwidza hunge kana vatambi vepamusoro vetsiva vakatenderwa kukwikwidza mumitambo iyi.

Khan, uyo ari mushishi kuronga mutambo wake wemwedzi unotevera apo achasangana naCanelo Alvarez kuzorwira bhande reworld middleweight kuLas Vegas akati, “Ndinoda chaizvo kuedza kushandura menduru yangu yesirivha yandakahwina kuAthens kuti ive goridhe kuRio. Murairidzi wangu Virgil Hunter neni tichagara pasi mushure mekunge mutambo wangu naCanelo wapera muna Chivabu toona kuti tingakwanise maOlympics muhurongwa hwangu.”

Khan anenge ave kukwikwidza muboka rimwe chete naPacquiao, uyo akabvuma chikumbiro chekupinda mumutambo wemaOlympics kubva kuHurumende yePhilippines chakaitwa nesangano rePhilippines Boxing Federation kuti anozama kuhwina goridhe rekutanga kumaOlympics. Vatambi vaviri ava vakavingwa nevatungamiri veWorld Amateur Boxing kune mumwe mutambo kuQatar vakavimbiswa kuti havamborwire tikiti rekuenda kumutambo uyu asi kuti vachangoenda kunokwikwidza kuRio. —Daily Mail

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>