Mazano ekuchengeta shiri dzepamusha

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
SANGANO rinobatsira varimi munyaya dzekuchengeta shiri dzepamusha dzakaita sehuku dzechivanhu reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA) rinoti varimi vanofanira kutora basa iri sebhizimisi sezvo richikwanisa kuita kuti vawane punduko muhupenyu hwavo.

Svondo rino sangano iri rinopa mazano pamusoro pezvingaitwe nemurimi anoda kupfuya shiri dzepamusha dzakasiyana.

1. Wotangisa sei?

1.1 Shanyirai nekutaura nevamwe varimi vari kutochengeta shiri dzekumusha dzakawanda kana vari kutsigira izvi musati matangisa kupfuya shiri dzakawanda.

Izvi zvinobatsira kuti munzwisise bhizimisi rekupfuya nekutengesa shiri dzepamusha dzakawanda uye munodzidza kubva kune zvavanoziva nezvavakasangana nazvo.

1. 2 Itai ongororo yakadzama pamusoro pebhizimisi iri kubva mukuchengetwa kusvikira mukudyiwa kweshiri dzepamusha.

1.3 Zvinoda kuti imi sedunga munhu musarudze pamunoda kuita bhizimusi munyaya yekupfuuya nekutengesa shiri dzepamusha zvichienderana nezvamunenge mawana muongororo yenyu.

1.4 Kana muchinge masarudza kuve murimi weshiri dzepamusha kana kuve mutsigiri munofanira kuronga nekugadzirira musati matanga basa iri.

Munogona kusarudza kuchengeta shiri dzepamusha dzemazai kana kuti dzenyama, angave matoki, madhadha kana hanga.

2. Kuronga

2.1 Kana muchinge magutsikana nekusarudza bhizimusi ramunoda kuita munofanira kuronga kuburikidza nekunyora pasi mafambiro achaita basa.

2.2 Mukuronga, ivai nechokwadi mune kwekutengesera kana kuve neruzivo rwekwamunozotengesera zvipfuyo zvenyu zveshiri dzepamusha.

2.3 Nzwisisai mitemo yeHurumende inoenderana nezvamuri kuda kuita mubhizimusi rekupfuuya shiri dzepamusha dzakawanda. Zvamunoda kunzwisisa, endai kumahofisi ari pedyo nemi eAGRITEX pamwe neveVeterinary Services Department kuti vakubatsirei nekukupai gwara rekuti mufambe naro.

2.4. Mukuronga, zivai zvakare vese vane chekuita nebhizimisi ramuri kuda kuita vakadai sevanotengesa zvishandiswa zvamuchada nevanopa rubatsiro nemazano.

2.5. Kana zvinyorwa zvenyu zvapera kutsangudza zvese izvi uye mave kuziva zvinodiwa pane nemari dzacho, munokwanisa kuona zvamunokwanisa nemari yamunayo kana kuti pamunokwanisa kuderedza muchishandisa zviwanikwa zviri munharaunda yenyu nekuonazve mari yamungade kukwereta kubhanga.

3. Kugadzirira kutanga bhizimusi renyu

3.1. Chinhano chechipiri chakakosha ndechekuti muve nenzvimbo yekuitira bhizimisi renyu, zvirugu, zvishandiswa nemishina, mvura nemagetsi.

3.2 Kuve nenzvimbo yakatakura kwakakosha kuti mukwanise kuvaka zvirugu kana dzimwe dzimba dzakaita sepekuchengetera nhiyo, minda yekurima zvirimwa zvekugadzira chikafu kana kurima mishonga yekurapa shiri dzenyu.

3.3. Munofanira kutanga matarisa nzvimbo yamunayo yamungashandisa kuita bhizimusi renyu musati mafunga zvekutenga munda kana purazi.

Musakanganwe nzvimbo neminda iriko kumisha kwamunobva nekuti munogona kutangira ikoko kwakasununguka.

3.4 Zvirugu — Kuti mubudirire mubhizimusi renyu rekupfuuya shiri dzepamba munofanira kuvaka zvivakwa zvakakura uye zvakachengetedzeka zvinopinda mhepo zvichienderana nendudzi dzeshiri dzamunoda kuchengeta nehuhwandu hadzo.

3.5 Midziyo nemishina yakakodzera inodiwa pabhizimisi renyu kuti mukwanise kuchechenya nhiyo, kuchengeta nhiyo dzichidzirwa, kushambidza nzvimbo nematanga nekugadzira chikafu cheshiri dzenyu.

3.6 Magetsi nemvura – munofanira kuve nehurongwa hwekuve nemvura yakachena nemagetsi asingadhure.

Pamagetsi, munogona kushandisa solar kana bio-gas zvisingaperi kana kudhura.

3.7 Munofanira kuona kuti matanga enyu anokiyiwa uye akavakwa newaya diki inoita kuti nyoka nezvimwe zvinodya shiri dzenyu pamwe nembavha zvitadze kupinda mukati.

3.8 Ruzivo — Munofanira kugara muri vanhu vane njere neruzivo rwezviri kuitika munharaunda uye munyaya dzekupfuuya shiri dzepamba.

3.9 Ngative varimi vanoda kudzidza kuitira kuti bhizimusi redu rifambirane nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>