Mazita ekudya kwakare

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Mazita ekudya kwakare

Kwayedza

damba
Ticha Danga

RWENDO rwuno tati timbobatana nekudya kwakare uko kwaipihwa mazita maringe nemagadzirirwo kana nekwakunobva. Makore ano tava kungoti nanga-nanga nekudya kwechirungu apo kuzhinji kwacho kunenge kwakatobikwa kare zvekuti hatimbonyatsoziva kuti pashandiswa chii kubika chikafu ichocho.

Makarekare vana baba nezvikomana zvati samhu zvaienda musango kunovhima zvekuti nyama yaisava yenhamo.
Vana, amaiwo nezvisikana vaiunganidza michero nekuchera midzi yaidyiwa. Zvekungorwarwa sezvaveko mazuva ano zvaiva zvishoma nekuti midzi, mashizha nemichero zvaidyiwa zvaipa vanhu utano vachigara dziri ngangara chaidzo kusimba.

Matamba, eman’ono kunyanya, aidyiwa kumafuro kana kuti aiiswa kudimba uko muto wacho waikunwa wobikiswa bota rainzi munhandabota. Vamwewo vaigadzirisa mudzamba apo vaisanganisa nemukaka wemombe ichangobereka. Vamwewo ndivo vaigadzira dondore kana kuti nhopi apo paibikwa bota rakakanyaniswa nemuto wemazhanje. Imwewo nhopi yaigona kugadzirwa nemafere kana kuti mashamba.

Chibage chikakohwewa chinoomeswa kuitira kuti tiwane upfu. Chimwewo chibage chinozokwatiswa chatsokonyorwa.
Chinokwatiswa kusvika chofunuka rukanda chozodyiwa chaiswa munyu.

Kudya uku kunonzi mangai kana kuti magwadya. Chikakangwa chinoita maputi kana kuti mhandire.
Mbeva dzinonaka kana dzasasikwa kana kugochwa nemoto. Vamwewo vanodzikanga nemafuta mushure mekudzisasikwa.  Kunoita vamwe vanodzifashaidza kusvika dzapera mvura vozodzisasika kuti dziome. Vamwe vanozodziisa mudovi rakakorera vagadzira mudyandakasungwa unonzi rujin’ini. Rujin’ini rwunogona kuve rwuri rwemajuru zvakare.

Hacha kudya kwakakosha pautano nekudaro vanhu vaiunganidza hacha dzodzvurwa dzoozobikwa pobuda anonzi mashagada. Vakuru vaisarudza tsanga dzechibage dzakasvika votora mhodzi dzemanhanga. Vaizobika izvi pamwe chete netsanga dziya dzechibage vogadzira kudya kwainzi mukan’a. Manhanga aibviswawo mhodzi kana kuti nhikiti dzoumbwa kuita zvibhora dzogadziriswa anonzi mabumbe kana kuti undu.

Muminda munorimwa muriwo wemuboora kana kuti mumanga munguva yezhizha. Zvino vakuru vanozoda kuramba vachiwana muboora kana mumanga, nokudaro vanotemha voomesa kugadzira mufushwa. Mufushwa iwoyo unonzi musone kana kuti mutsotso.

Sadza risina muriwo rinodiwa nehusavi hwenzungu dzakamaranzwa zvinonzi uri kudya nechidokohori kana kuti chinanzvirwa. Unogona kudya sadza nedovi rega rakabikwa risina chimwe chakandwa imomo. Usavi ihwohwo hunonzi gwatakwata kana kuti dakataka vamwe vachiti nhakara.

Kareko vanhu vaigona kudya twumbwanana utwo twaidaidzwa kuti mbudziruonje. Vamwewo ndivo vaidya nyama yetsoko kana gudo. Nyama iyi yaidaidzwa kuti nhongoruware.

Vamwe nanhasi vanodya nyama yegwavava kana kuti gweshadombo ichidaidzwa kunzi hukurutombo. Nzara inomborova zvekushaya chekudyisa sadza zvekuti vanhu vanoseva nemvura ine munyu chete inonzi nhanhamuto kana kuti mutowavhumbu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey