Mazita ezvipfuyo

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
REGAI timbosandura musambo rwendo rwuno timbobatawo zvimwe zvakasiyana nezvirungamutauro. Tinoda kukandira mambure edu kwese kwese tione chatinobuda nacho pabvunzo.

Bvunzo rakangofanana nemimba dzakare, mimba dzakare dzakange dzisina zvivhitivhiti zvotoona nhasi uno zvinogona kutaura kuti mwanai achazvarwa. Kare kare zvaizonzwika zuva rekuzvarwa nekudaro gadziriro yacho yaingoitwa yezvinhu zvese zvese nekuti hapana ainziva kuti mwanai achazvarwa.

Ndizvo zvakaita bvunzo, hapana anonyatsoziva kuti richauya sei nekudaro tinongobata kwese kwese tichiita dzokororo.

Tinoda kutarisa mazita ezvipfuyo zvepamusha. Mazita aya anogona kushanduka nekuda kwemitauro inosiyana nzvimbo nenzvimbo asi ndichaedza kudura ese andinoziva.

Tinochengeta huku pamusha apo tinotarisira kuwana mazai nenyama. Huku tseketsa ndiyo inokandira mazai ichizochochonya twunhiyo kana twuhukwana ndokunge yaararira. Kana twunhiyo twati sasamukeyi, twomera mapesu nekuda kubuda muchochororo twunenge twonzi twumhupupu. Kungobva muumhupupu huku dzinopatsanurana kuti hadzi dzisati dzokandira mazai dzonzi sheshe twuya twabuda michororo twonzi twumachongwe.

Huku iya yakandira mazai ikachochonya vana vainenge yofamba navo kusvika yavarumura inenge yava nhunzvi. Pamusha ipapa panoita jongwe guru rinenge rava nezvimbi munzondora. Jongwe iroro rinonzi gukurume.

Mombe dzinotipa mukaka, mupfudze, nyama nesimba rekudhonza magejo. Mombe idzodzo dzine mazita adzo zvichienderana nezera. Tsiru imombe isati yabereka. Ikazoti kurei yobva yabereka inenge yonzi mhou. Kana iri hono inotanga iri chimhuru choita chigondora kana chisisayamwe mukaka. Kana chakura chisina kuchekwa chinobva chanzi handira kana chakachekwa chisati chorima chinodaidzwa kunzi jon’osi. Kana yava kusungwa kana kubopwa inenge yonzi ngavi kana dhonza.

Mombe isina nyanga inonzi nzuma kana kuti junju. Kana yava mombe iya yakurisa inonzi mugudhu kana kuti dore. Kazhinji dore rinenge rasara musana chete mbabvu dzichitoverengeka. Mombe isingabereki inonzi ramba, mhanje kana kuti tsotse. Kana mombe iri itsva mudanga inonzi njeni.

Mbudzi isati yabereka inonzi sheshe. Kune dzimwe nzvimbo inhunzvi. Kana iri mbudzi hono isina kuchekwa inonzi chigotora kana kuti gotokoto. Mwana wembudzi anonzi nyenye kana kuti mbudzana. Mbocho imbudzi hono isina kuchekwa.

Hwai nembudzi zvinoda kufanana asi kuti chihwai chikono chisina kuchekwa chinonzi chihondohwe. Mwana wehwai achinzi hwaya kana kuti nyenye.

Dhongi rinodirwa kushanda pamusha uye kusateta nzara. Munguva yenzara mombe dzinopera kuti tsvai asi madhongi achingofamba nekushanda. Mwana wedhongi anonzi kamubhemhe kana kuti dhongwana.

Katsi yakanakira pakubata makonzo nekurwisa zvipuka zvakaita senyoka. Mwana wekatsi anonzi chidharimbo.

Vamwewo vanopfuya hangaiwa pamusha idzo dzinonzi kirimba nevamwe. Mwana wacho anonzi marunga.

Imbwa dzinochengeta misha uye dzinobatsira pakuvhima. Imbwa hadzi yakazvara ine vana inonzi nzvere. Mwana wembwa anonzi handa kana mbwanana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey