Mazita nezviito

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
VANHU vakare vakanga vasiri marema, asi kuti vairatidza hutsanzi hwavo nenzira dzakasiyana. Imwe yenzira dzavaishandisa kunemera vanhu mazita kubudikidza nemabasa avaibata kana tsika dzavo.

Vaigona kuziva kuburikidza nekuona kuti uyu munhu aifamba chose nekudaro aibva anemerwa zita rekuti Chinjekure. Kunemerwa mazita zvinoreva kupihwa zita rimwe iwe uine rako rekutumidzwa pakuzvarwa.

Zita rekunemerwa kahzinji rinenge richida kuburitsa kushorwa kana kakurumbidzwa kubudikidza netsika nehunhu.

Kune vamwe vanhu vane chipo chekupa. Kana vopa zvakare havaite zvekumimina asi kuti vanobva vaita zvekututira. Hazvina basa kuti chikafu here, mari kana zvipfeko. Vanhu ivava vanonemerwa kunzi vana chipavhurire.

Vamwewo vanhu ndevaya vanoshinga nekutsungirira kuita zvinhu zvavanenge vachida kuita chero zvimhingamipinyi zvikauya nekumbovadonhedzera pasi, vanoramba vakaruma muromo dzamara pane mwoyo pasvikwa. Ndivo vamunonzwa vachinzi vana chitsunge.

Kana pakaita doro rendari kana mutambo pane vamwe vanhu vanomwa nekudya dzamara doro kana zvidyiwa zvapera. Havabvi panzvimbo dzamara vaita zviya zvokukokota hari kana kumimina mhirimo. Havazezi kurarapo chero bedzi pachiri netwunonwiwa kana kudyiwa. Ndivo vanonzi vana musiyadzasukwa.

Mumamana matinogara tine vanhu vane tsika dzakaipa chose zvekuti havagoni kugara nevamwe vasina kana kuvatadzira. Vanhu ivava vanoita kuti vanhu vagare vachikanuka nekukahadzika uye vachishungurudzika netsika dzevanhu ivava. Kazhinji zvavanoita zvinorwadzisa kana kukuvadzisa vamwe. Kana vakaenda kumafuro vamwe vana vanoswera vachitambiswa zvisakafanira. Vanhu ivava ndidzo dzinonzi shinhwi kana mharapatsetsetse. Chero vakatsiurwa hapana chinoshanduka muhunhu hwavo. Ndiko kusaka zvakare vachinzi tsvuura muromo kana kuti ndambakuudzwa.

Mamwewo mazita anogona kuuya kubudikidza nezvakawira munhu mukurarama. Dzimwe nguva munhu anenge akavingwa nejambwa muupenyu hwake otosiiwa ashanduka kubva mune zvaanga ari. Zvimwe zvacho zvinopisa mazita kushanduka chaiko kweunpenyu sekuti mwana anogona kushaikirwa navabereki vose anosara avakunzi nherera.

Vamwe vanhu vanogona kutadza kuroorwa kana kuroora vokura zvekutopfuura zera rinotarisirwa kuroora. Kana ari musikana anogona kunge aine chitsinha obva adaidzwa kunzi tsikombi. Kana ari munhurume anobva anzi tsvimborume.

Vamwe vanosiiwa navadikani vavo kuburikidza nerufu. Kana ari murume akafirwa nemukadzi anonzi pfunda kouyawo mukadzi akafirwa nemurume anonzi chirikadzi.

Murume anogara oga hazvinei kuti itsvimborume kana pfunda anodaidzwa kunzi humburukwa. Kana murume akafirwa nemukadzi, itsika yavanhu vatema kuti murume iyeye apihwe mumwe mukadzi anonzi chimutsamapfihwa.

Vamwewo vanopa mwanasikana wechidiki kumurume nekuti mukadzi waakaroora pakutanga achembera. Mukadzi mudiki waanopihwa anonzi chitsaramvi.

Kune vakadzi vanochochora muupenyu. Vakadzi ava vanogona kusiya murume wavakaroorwa naye vachienda pane mumwe murume. Vakadzi ava vanonemerwa zita rekuti tsvingu kana tsvingudzi.

Mukuwasha anotanga kuroora mumhuri anonzi nhangaruvanze. Vanhu vaya vanososera vamwe kuti varwe vanonzi mhesvamikono, honzeri kana rwise.

Share This:

Sponsored Links