Mazizamu tugu . . .Akecha mukadzi wemunhu

0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wemuMukumbura, kuMt Darwin — wekudanana nemukadzi akaroorwa — akazowana zvinodarika zvaaitsvaga sezvo ava kuzvidemba zvichitevera kusotwa kwaakaitwa nemishonga zvikamuita kuti amere mazizamu akangofanana neemadzimai.

Thompson Mutimutema (45) anoti mazamu ake akangotanga kukura masvondo mashoma akadarika uye anobuda mvura nemukaka achivava nekunyerekedza.

Dambudziko remurume uyu rinonzi rakatanga apo akatora mudzimai waJohn Sithole (29), uyo anobva kuChipinge. Mutimutema anoti akadanana nemudzimai waSithole asingazive kuti akaroorwa.

“Ndakasangana nemukadzi uyu ndokutsvagawo rudo, iye akandida. Haana kundiudza kuti akaroorwa. Pakazobuda nyaya yekudanana kwangu naye, murume wemukadzi uyu akandivinga akandipa yambiro ini ndikatomutuka ndichimuti uri gudo.

“Ndakamuti hakuna mukadzi anoiswa ‘number plate’ fanika motokari kana mudhudhudhu uye takaenderera mberi nekudanana,” anodaro Mutimutema.

Anoti kwapera svondo rimwe chete atsiurwa nemuridzi wemukadzi uyu, mazamu ake akatanga kukura achifutunuka.

Mushure mezuva rimwe chete, anodaro Mutimutema, mazamu akatenge aenzana neevakadzi vakuru.

“Muridzi wemukadzi akaziva zvekudanana kwedu kuburikidza nemashoko erudo ataitumirana mufoni. Asi ini ndakazviita shasha ndikatadza kukumbira ruregerero kumurume uyu pamwe nekusiyana nemudzimai wake.”

Anoti akazoenda kune mudzimai uyu ndokumuudza dambudziko rake.

“Pakamera mazamu aya ndakatanga kuenda kumudzimai uyu ndokumutaurira kuti ndizvo zvaitika kwandiri. Ndakamuudza kuti zvakonzerwa nemurume wake sezvo ini ndaenda kunobvunzira kuchechi yemumwe muporofita weJohane Masowe.

“Ndakazoenda kumuridzi wemukadzi uyu akandiudza kun’anga kwaakaenda kunondigadzira,” anodaro.

Mutimutema anoti apfidza uye haachafa akadzokorora kudanana nemukadzi wemunhu zvakare.

“Chave kundinetsa ndechekuti kun’anga kwakaendwa nemurume uyu vava kudawo mari kubva kwandiri kuti vandiroyonore. Uyuwo muridzi wemukadzi haasi kuda kutaurirana neni zvakanaka, ari kuti ndichafa ndakadaro. Ndakaedza kumukumbira ruregerero ndikamuti ndichakuripa asi ari kuramba achiti ndikaure,” anodaro.

JOHN SITHOLE

Kunze kwekumera mazamu, murume uyu anoti sikarudzi nemuviri wake wose hazvisisina simba uyewo ava kungosangana nehope dzinotyisa.

“Chikumbiro changu kuti dai murume uyu andiregererawo ndabviswa dambudziko iri nekuti ndine mudzimai nemhuri vanoda kuchengetwa neni. Haisiyo nguva yekuti ndife nekuti ndine mwana mucheche kumba nevamwe vanoda kuendeswa kuchikoro. Mukadzi wangu akabvuma kuti ndizomuripa nekuda kwekumukanganisira uko ndakaita,” anodaro Mutimutema.

Sithole anoti akabata mashoko ekudanana kwevaviri ava munhare yemudzimai wake akaedza kutaura naMutimutema uyo akabva amutukirira.

“Uyu mukadzi wangu, ndakamuendesa kuchikoro kusvika asvika Form 6 zvaizivikanwa nevabereki vake. Mari yandakashandisa yakawandisa zvikuru, kutoda kusvika $15 000 iyo yandinoti kana ndikafunga zvakanaka ndinoda kuti Mutimutema andidzosere iine interest pamusoro. “Kungouya zvake kusvikoita zvaanoda pamukadzi wangu? Akanditi hakuna mukadzi ane number plate semota inonzi ndeyanhingi,” anodaro Sithole. N’anga yakaendwa nemurume uyu – Kamwelo Banda – inoti kugadzira kwainoita vanotora madzimai kana varume vevanhu hauzi huroyi, asi kuranga mapenzi.

Thompson Mutimutema achiratidza mazamu ake Mifananidzo naKingstone Mapupu

“Ngaakumbire ruregerero kumuridzi wemukadzi tomusunungura, mazamu aya anodzikira. Akada kuonererwa achaguma ave kufamba achiazvuva nepasi areba. Ini ndinodawo muripo wangu, ozoripawo muridzi wemukadzi,” inodaro n’anga iyi. Sithole anotiwo mukadzi wake akamubvunza nyaya iyi akabvuma kuti anodanana naMutimutema ndokukumbira ruregerero.

“Ndakamboda kuti mukadzi wangu nechikomba ichi vagadzirwe vese, ndikazonzwira mudzimai uyu tsitsi nekuti vabereki vake havana mhosva, vaizotambura naye. Varume, hakuna chinorwadza sekutorerwa mukadzi kungotsabvura zvako panhu pane ‘investment’ yangu, iwe!” akadaro Sithole.

Nemusi weChipiri svondo rino, varume vaviri ava vakanosangana kunhepfenyuro yeStar FM vasingazive, pachirongwa cheTilder Live icho chinoitwa naTilder Moyo-Karizamimba apo vakaedza kuyananiswa zvikaramba.

Chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti dambudziko rekukura zvakadarikidza kwemazamu kuvanhurume rinokonzerwa nezvirwere zvakasiyana.

Share This: