Mbatatisi dzinovaka muviri

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Mbatatisi dzinovaka muviri

Kwayedza

MBATATISI kana kuti matapiri kudya kunovaka muviri sezvo kuine Vitamin B6, Vitamin C pamwe nepotassium, nokudaro kunosimbisa mambhonzo emuviri. Kudya uku kwakakoshera mazera ose, kusanganisira vasina mazino.

Svondo rino Sarudzai Munacho wekuGlen View 3, muHarare, anotipa imwe nzira yekubika matapiri akagayiwa (mashed potatoes).

Zvinodiwa:

Chikari, potato masher kana kuti electric beater, mbatatisi, munyu, majarini, mukaka mumbishi.

Mabikiro:

Geza mbatatisi nemvura yakachena wodzimenya.

Geza zvakare mbatatisi dzawamenya wodzicheka muzvidimbu.

Dira komichi imwe chete yemvura, woisa chipunu chimwe chete chemunyu, chifashaidza mbatatisi kwemaminitsi 15.

Kana zvaibva, bvisa mvura inenge yasaririra wopwanya-pwanya mbatatisi dziye nepotato masher, electric beater kana nemugoti.

Isa chidimbu chekomichi yemukaka uchikanya kusvika zvanyatsosangana.

Nyungudutsa chipunu chemajarini mupani woadira wokanya zvakare.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura hako udye. Unogona kugadzira muto (supu) kana kubika imwe nyama yaunoda kudyisa nayo. Asi vamwe vanodya zvakadaro.

Usakanganwa komichi yemvura inotonhorera parutivi nekuti mbatatisi dzinodzipa.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links