Uncategorized

Mbavha dzakapfura mushandi

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Mbavha  dzakapfura mushandi

Kwayedza

MBAVHA dzaiva nepfuti dzakapfura dzikauraya mushandi wechikadzi wepachimwe chitoro kuMhondoro uye muzukuru wake, uyo akaedza kumununura, akapfurwawo zvekusara akuvara zvakanyanya.Lucia Kadungwa (47), uyo aishanda maMunanikwa Store, paMusinami Business Centre, akapfurwa nematsotsi ndokuzofira kuchipatara apo muzukuru wake, Densel Mahachi (13), akakuvadzwa nembavha idzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabweazara, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nomusi weChishanu chadarika pashure.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa9 mwedzi uno (Gunyana) kuma 20:30 hrs paMunanikwa Store, Musinami Business Centre, kuMhondoro, apo vamwe varume vaviri vasati vave kuzivikanwa, avo vakange vaine motokari yerudzi rweHonda Fit, vakasvikowana mushandi wepachitoro apa atovhara asi achitsvaira ari mukati.

“Vakabva vashandisa bolt cutter kudimbura makiyi vachibva vapinda mukati. Vakarova mudzimai uyu kakawanda nebolt cutter mumawoko ake. Mushure vakazomupfura pachidya chake nepfuti yerudzi rweMossberg 12 Ball achibva atanga kuchema achidaidzira kuti vanhu vamubatsire.

“Muzukuru wake, Densel, akabva amhanya achienda pachitoro ichi asi akapfurwawo pachidya chekurudyi,” vanodaro Insp Mabweazara.

Vaviri ava vakaramba vachichema kuti veruzhinji vavabatsire.

“Izvi zvakaita kuti vanhu vemunharaunda vaende ndokubatsirana mukudaidzira kuti vawaniswe rubatsiro zvinova zvakaita kuti makororo aya apinde mumotokari yavo iyo yakange isina nhamba vachibva vatiza asi hapana chavakakwanisa kutora muchitoro umu,” vanodaro.

Insp Mabweazara vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaMubaira Police Station.

“Mapurisa akakwanisa kuwana pfuti iyi nemabara zvakashandiswa mukupfura vanhu ava. Vaviri ava vakaendeswa kuchipatara cheSt Michael Hospital, kuMhondoro kwekare, ndokuzopfuudzwa kuHarare Central Hospital uko Kadungwa akashaya muzuva rakatevera,” vanodaro.

Densel achiri kurapwa muchipatara ichi.

Share This:

Sponsored Links