Uncategorized

Mbavha yakachipiswa . . . Yakakandwa mumugodhi, Yabatikidzwa ichiba chitofu

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Mbavha yakachipiswa . . . Yakakandwa mumugodhi, Yabatikidzwa ichiba chitofu

Kwayedza

MUNYAYA inoti kusetsa igoti kusuwiswa, pane murume aipomerwa humbavha nemusi weMugovera wadarika uyo akazopona neburi retsono kuUnit “O” Extension, kuChitungwiza, mushure mekunge akandwa mumugodhi une mvura umo akazobuda akazara madhaka ndokutiza.
James Meki, wekubhuku raChitsvatsva, kwaSeke, anonzi akabatikidzwa achida kuba chitofu chinoshandisa “gas” pane imwe imba izvo zvakazoita kuti vanhu vamurove zvakasimba nemupinyi ndokuzomukanda mumugodhi izvo zvakaita kuti atyoke ruwoko.

“Munhu uyu imbavha, abatikidzwa achida kuba gas stove pamba paamai Brian. Azokandwa mumugodhi asi aita rombo rakanaka nekuti azobuda ari mupenyu vanhu vachibva vatangisa kumutandanisa vachimurova,” vakadaro Madzibaba Jacob Mhlanga avo vaive paiitika izvi. Madzibaba Mhlanga ndivo vakazomubata vachidzivirira mhomho yevanhu kuti isaenderera mberi nekumurova.

“Anga achaitwa kafira mberi nevanhu saka ndamuyambira kuti aende kumba kunogeza madhaka anga akazara mumusoro uye kuti anomhan’ara kumapurisa kana achiziva vanhu vamurova nekuti atyoka ruwoko rwaati arohwa nemupinyi webadza,” vakadaro.

Mai Nokuthula Mudimu (23), avo vanogarawo uku, vakati murume uyu akange adzidziswa chidzidzo chikuru chekuti kuba hakuna kunaka.

“Svondo rapera mumwe muvakidzani wangu akabirwa solar panel nebhatiri remota masikati machena saka kana mbavha ichinge yabatwa inofanira kurohwa kuitira kuti ive mucherechedzo kune vamwe vanoda kungotora zvinhu zvavasina kushandira. Senge muchinda uyu ha-a, abhabhatidzwa mumugodhi zvekuti mashave ake ose ekuba achabva apera,” vakadaro Mai Nokuthula.

Meki paakabvunzwa neKwayedza kuti zvakange zvafamba sei, akatanga kusvimha misodzi achiramba kuti imbavha.
“Vahanzvadzi (kureva mutori wenhau) ini ndange ndaenda kumba kwaamai Brian nekuti ndinozivana navo semunhu anogara achienda kuSouth. Ndazoshamisika kuona amai Brian vaye vave kuti ndange ndichida kuba gas stove yavo vachibva vapa mumwe murume anga ari pamba apa mupinyi kuti andirove mushure mekundiwidzira mumugodhi,” akadaro Meki achichema.

“Murume andirova ndinomuziva uye zvatondoshamisa kunzwa amai Brian vachidaidzira vanhu kuti ndiri mbavha. Ndinogara kwaChitsvatsva, handisi mbavha ini. Ndatemwa nechidhinha mumusoro uye pfungwa dzangu dzavhiringika,” akadaro.

Paakabvunzwa kuti akange achitsvagei pamba paamai Brian haana kukwanisa kupa mhinduro inogutsa. Mamwe mashoko anoti zvichida Meki chikomba chaamai Brain nokudaro paakavashanyira akadhumana nechimwe chikomba izvo zvakaita kuti mukadzi uyu amuti imbavha senzira yekuvhara chokwadi. Asi Meki haana kubuda pachena papfungwa idzi.

Kwayedza haina kukwanisa kuronda kumba kwaamai Brian vaitaurwa nezvavo pamwe nekuti Meki akazonomhan’ara here kumapurisa nyaya yekurohwa kwaakaitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey