Mbavha yehuku yakatengeswa netsoka

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MBAVHA yekuba huku pane rimwe purazi riri kuBeatrice yakazoigocera pahutsi apo yakabatiswa netsoka dzayo.
Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Tendai Mukariri akati nerimwe zuva Richard Hogo, uyo anova murindi wepapurazi reKimcote Farm, kuBeatrice, akaverenga huku mudanga ndokuona kuti nhatu dzainge dzisimo.

Pakuzoongorora kwaakaita, akaona pakatsikwa netsoka dzainanga kumba kwaGodfrey Chinyuku, anove mugari wepapurazi iri.

Hogo akaudza dare kuti akatevera tsoka idzi kusvika pamba paChinyuku.

“Ishe, ndakaverenga huku ndokuona nhatu dzisimo ndokuzoona matsimba aienda kumba kwaGoddy, uye ndiri munzira kuteedza ndakaona makushe ehuku akazara nechekuchimbuzi kwake. Ndakaona dzimwe huku mbiri dzichimhanyisana pachivanze chake.

“Ndakanga ndatoona kare kuti Chinyuku ndiyo mbavha, ndakamubvunza haana kuzokwanisa kuramba nokuda kweumboo hwainge huri pachivanze chake,” akadaro Hogo.

Chinyuku akabvuma mhosva yake mudare.

Mutongi Lazarus Murendo akati nyaya dzekuba zvipfuyo dziri kuwanda izvo zvinoita kuti vanhu vasave nepundutso mumapurazi avo nokudaro Chinyuku akanzi abvise US$31 yehuku dzose dzaainge aba kana kuti onodya refovhoro kwemazuva 50.

Share This:

Sponsored Links