Mbeu itsva neSeed Co

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Mbeu itsva neSeed Co MURIMI weSeed Co aipemberera nevamwe mushure mekuhwinha bhasikoro apo akatenga 10kg yembeu yechibage pamakwikwi akaitwa kuMbare muHarare nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

John Basera
MAKADII varimi vadiwa? Nhasi tinoda kukurukura nezvembeu itsva dzakaburwa mazuva ano. Ibasa redu veSeed Co kuti tiuchike mbeu dzinodiwa nevarimi. Bazi redu reResearch and Development rinogara richishanda zuva nezuva kutarisa mamiriro ekunze, goho rembeu, tumbuyu, zvirwere zvinenge zviri muno munyika uyezve nenyika dzakatipoteredza, vouchika mbeu dzinodzivirira mumatambudziko iwayo nedzinovandudza goho.

MBEU ITSVA DZECHIBAGE:
Sezvandambotaura kuti bazi redu reResearch rinogara richiongorora mamiriro ekunze kuti mvura yave kuita ichiita shoma pano nepapo, mwaka yava kuenda ichiita mipfupi pane dzimwe nguva. Takaona kuti zvakakodzera kuti tiuchike mbeu yechibage inokasika kuibva.

Mbeu yatakauchika iyi inonzi SC301(Ultra Early Maturity). SC301 ine mufananidzo weTsuro. Mbeu iyi inoibva kubvira pamazuva makumi mapfumbamwe kusvikira pazana nemakumi maviri zvichienderana nekwawairimira. Mukairimira kunonaya mvura yakawanda seNatural region 2, inotora mazuva asingadarike zana nemakumi maviri (120 days).

Kana ukairima sezvakaita kuMudzi, pamazuva makumi mapfumbamwe (90 days) inenge yatoibva. KaTsuro aka kane goho rinotatamuka kusvika matani manomwe. Rimai madzinde 72 000 pahekita kana muchirima kunonaya mvura yakawanda. Kunonaya mvura shoma, inoda kudyarwa madzinde asingadarike 40 000 pahekita.

Mbeu yeTsuro inosunga kumuromo kwayo. Mbeu iyi ichena. Gore rakapfura, takange tisina mbeu yakawanda seiriko gore rino. Varimi vari muNatural Region 4 ne 5, vanoyambirwa kuti varime mbeu yeTsuro sezvo mvura yavanowana inenge iri shoma uyezve mwaka wavo uri mupfupi.

Mbeu itsva yechipiri iri muchikwata cheTsoko, mbeu yeKenya (yellow) ichinzi Sc 402. Kune vanofarira mbeu yeKenya yekugocha neyekuita chikafu chemhuka, ndiyo mbeu yenyu iyi.

Inokasika chaizvo kuibva ichitora mazuva anoita zana nemakumi maviri ane mazuva manomwe (127 days) kuti iibve kunonaya mvura yakawanda. Kunonaya mvura shoma inoibva nemazuva zana negumi rimwe nemazuva mashanu (115 days).

Kune vanoda zvechibage chekugocha, munokurudzirwa kuti chisati chatanga kuibva, mutange matsvaga musika wekuchitengesa kuitira kuti mukwanise kukohwa munda wenyu mumazuva asingadareki mana sezvo chichikasika kuoma.

Sc 402 iyi inoshingirira zvikuru mukudziya kwekunze uyezve mukushaika kwemvura. Ine goho guru chaizvo rinosvika gumi kana yarimwa kunonaya mvura yakawanda. Inotambira huwandu hwe60 000 madzinde pahekita yarimwa kunonaya mvura yakawanda, ne40 000 madzinde kunonaya mvura shoma.

Imwezve mbeu yechibage itsva yakauchikwa nekambani yenyu Seed Co iri muchikwata cheMbizi. Mbeu iyi inonzi SC529. Inotora mazuva zana nemakumi matatu nemazuva manomwe kuti iibve (137 days) kunonaya mvura yakawanda nezana nemakumi maviri ane mazuva mashanu kunonaya mvura shoma.

Iyi mbeu yeMbizi inotatamuka zvakanyanya pagoho rayo. Inokwikwidzana nembeu dzeShumba, kuda kuvavarira kuNzou chaiko. Yarimwa zvemandorokwati kunonaya mvura yakawanda, inogona kupa goho rinosvika gumi nerimwe rematani pahekita (11 t/ha).

Mbeu iyi inozvidzivirira chaizvo muzvirwere zvizhinji zvechibzge. Ine muguri murefu une tsanga dzakadzika zvikuru. Mbeu iyi tinokurudzira kuti irimwe muNatural 2b neNatural region 3. Imbeuzve inovhara kumuromo kwayo iine kakupenya. Ngatidyarei mbeu iyi ine huwandu husingadarike 55 000 madzinde pahekita.

Izvi zvinotaridza zviri pachena kuti kambani yenyu yeSeed Co iri kuvandudza kurima kwevarimi ichivapa mbeu itsva dziri muzvikwata zvese dzinopa goho riri pamusoro. Kuti Seed Co Ndookui mbeu . . . Kuti mbeu Ndokuti Seed Co.

MBEU ITSVA YEBHINZI

Chirimwa chebhinzi ndechimwe chezvirimwa chinorimirwa kupa mari kumurimi nenguva pfupi, uyezve chirimwa chebhinzi chine hutano hunodiwa mukuvaka muviri wedu. Seed Co yakauchika mbeu itsva yebhinzi inonzi SC Sharp. Mbeu iyi ine manyerekete matsvuku anosanganisa mavara ebrown. Ine mukoho unodarika matani maviri (2t/ha) pahekita. Iyi mbeu inokasika kuibva kudarika mamwe marudzi ebhinzi ariko. Inotora mazuva asingadarike zana zvichienderana nekwawairimira. Bhinzi reSC Sharp rakazvidzivirira zvakanyanya muzvirwere zvinobata bhinzi.

Bhinzi idzi dzinokasika kuibva nemaminetsi anoita 30 tichidzifananidza nemamwe marudzi ebhinzi. Dziri kuwanikwa dziri muma 10kgs pamwe nema25kgs. Unoda huwandu hwe100kgs yembeu pahekita.

Mbeu idzi dziri kuwanika kupi?

Mbeu idzi dzavako kuzvitoro zviri padyo nemi mumatunhu ese emuZimbabwe. Bvunzai varimisi venyu veAgritex (Mudhumeni Mukuru) nevarimisi veSeed Co vanokubatsirai kuti musvike kuzvitoro izvi. Mitengo yenyu haina kukwira, iri payakange iri gore rakapera.

CHIZIVISO KUVARIMI:
Varimi munokurudzirwa kuteerera chirongwa cheTalking Farming paStar FM nemusi weChipiri woga woga kusvikira kupera kwaZvita gore rino. Chirongwa ichi chinobuda nenguva dza1730 to 1830 manheru.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . kuti mbeu ndookuti Seed CO.

Share This:

Sponsored Links