Mbizi Govt Sec yavhurwa

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Mbizi Govt Sec yavhurwa Prof Mavima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKORO cheMbizi Government Secondary School, chiri kuHighfield, muHarare, icho chakavakwa senzira yekuremekedza mutungamiri wenyika President Mugabe, chakaparurwa zviri pamutemo nomusi weChipiri svondo rino. Chikoro ichi chiri kutarisirwa kuzotora vana veForm 1 mumwedzi waNdira 2017.Vakafanobata chigaro chemukuru wechikoro ichi, VaGardiner Chipo Chikoore, vanoti chikoro ichi chichatanga nevazidzi 120 veForm 1 gore rinouya.

“Tichatanga nevana 120 veForm 1 uye dzimwe dzimba dzichafundirwa zvidzidzo zvemabasa emawoko,” vanodaro.

Pachikoro cheMbizi Primary School ndipo pakadzidza President Mugabe kare.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari Dr Lazarus Dokora, avo vainge vakamiririrwa nemutevedzeri wavo, Professor Paul Mavima, vanoti vanotenda zvikuru mabasa makuru ari kuitwa neHurumende mukusimudzira dzidzo. “Chikoro ichi chave chechi13 mudunhu reHighglen, saka tinozvitenda. Mbizi Secondary School yakavakwa nemari yemitero iyo yakaunganidzwa neHurumende (Public Sector Investiment Project) zvinova zvinoita kuti chive nemusiyano nezvimwe zvikoro izvo tinowanza kuvakirwa nevatsigiri vekunze.

“Rutsigiro rwekunze rwakanaka asi handi nguva dzose dzatinofanira kungomirira kupihwa nekuti pamwe pacho tinofanira kushava pachedu tichizvivakirawo senzira yekusimudzira dzidzo,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti kana zvekushandisa zvikawanikwa, Hurumende ine tarisiro yekuvaka zvimwe zvikoro gumi nezvinomwe munzvimbo dzakasiyana, kusanganisira idzo dzakagariswa vanhu patsva.

“Tinoda kuti varairidzi vave vanhu vakafunda pamwe nekuva nehunyanzvi hwekufundisa muzvidzidzo zvakaita sesainzi, mabasa emawoko sekuveza, kubika nekusona. Varairidzi vanofanira kuitiswa misangano yavanodzidziswa hunyanzvi uhwu uye marabhoritari emuzvikoro anofanira kuva nezvekushandisa zvakakwana.

“Kana vana vakafundira mabasa emawoko zvinovabatsira mune ramangwana ravo,” vanodaro.

Cde Dokora vanoti panguva iyo vana vachaenda pazororo, vanofanira kuwana mukana wekuzorodza pfungwa kwete kuti vangoramba vachingodzidza pasina zororo.

“Chikoro chino chichiri kuda ruzhowa nedzimwe dzimba dzekudzidzira. Mugore ra2017 bazi redu richaparura gwaro idzva redzidzo richatangira paForm 1, 3 ne5 muzvikoro zvose zvesekondari.

“Kupuraimari, tichatanga neECD A, Grade 1, Grade 3 neGrade 5. Varairidzi vemagwaro aya vakatotangisa kudzidziswa pamusoro pegwaro idzva redzidzo iri uye vakatogadzirira. Gwaro idzva iri rakananga kufundisa vana zvetsika nekuva nehunhu (Unhu/Ubuntu) asi richibatwa nembariro shanu dzinoti nyaya dzemitemo yenyika, kufundiswa kwevarairidzi kuti vave nemadigirii, kusimudzirwa kwevarairidzi mubasa, zvinotarisirwa kuitwa nevarairidzi, kusimudzirwa munyaya dzezvivakwa uye nyaya dzetsvakurudzo nebudiriro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links