Uncategorized

Mbudzi ine misoro 2

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mbudzi ine misoro 2

Kwayedza

KWANYASHANU, kuBuhera kwakaitika mashura padunhu nguva pfupi yadarika zvichitevera kuberekwa kwembudzi yaiva nemisoro miviri asi mutumbi wayo uri mumwe chete.

Muridzi wembudzi iyi, VaNever Chikondowa (50) — avo vanogara mubhuku raMuzokomba, kwaMangirandi — vakatsinhira chiitiko ichi vachiti:

“Ndakaona mbudzi iyi ichida kubereka iri kumafuro, yakatanga kuburitsa gumbo rimwe chete ndokuita mazuva maviri yakadaro. Kwakazouya mumwe murume anonzi Denford Matanga Matsakanure, uyo akaedza kubatsira mbudzi iyi ndokunzwa seyaiva nembudzana mbiri.”

Chakazoshamisa ndechekuti vakazoona kuti mbudzana yaiva imwe chete asi ine misoro miviri.

Vanoti vakazowirirana kuti vauraye mbudzi iyi kuti vaburitse mbudzana yacho.

Pavakaburitsa mbudzana, ndipo vanoti vakaona kuti yaiva nemisoro miviri, asi kubva pamutsipa zvichidzika, iri mhuka imwe chete. Makumbo yaiva nemana, nzeve ina, maziso mana nemhuno nemuromo zviviri.

Vanoti izvi zvakashamisa vanhu vakazviona.

VaChikondowa vanoti vanofungidzira kuti dzimwe nguva mbudzi iyi yaida kuita manyambiri izvo zvakazogumisira zvavhiringika.

“Mbudzana iyi yakazofa tikazoshevedzera vanhu kuti vazoona. Takaendesa nhume kwasadunhu wedu, VaMuzokomba, kuti vazivewo mashura akawira dunhu ravo aya,” vakadaro.

Mbudzi yakabereka mbudzana iyi inonzi yakamboita imwe mbudzana ikafa.

“Mbudzana iyi takazoifushira mushure mekunge tazivisa sadunhu, avo vakatipa mvumo yekuita izvi. Ndine mbudzi 15 uye aya akaitika mashura chaiwo,” vakadaro.

VaTauya Muchazorwiwa Marume (32), mumwe wevaida kubatsira mbudzi iyi kuti ibereke zvakanaka, vanoti vakashamiswa zvikuru nechiitiko ichi.

“Ini ndiri mumwe akasvikira mbudzi iyi ichitambura, zvakaoma nekuti kutarisa mbudzana iyi kwaityisa.

‘‘Nyama yacho ndakatya kuidya kana naiye muridzi wembudzi haana kuidyawo.

‘‘Nyama iyi yakapihwa vamwe vasina kuona mbudzana iyi,” vakadaro VaMarume.

Mandy Muzokomba (47), mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, anoti ichi chishamiso chaicho.

“Mbudzana iyi patakaiona waitofunga kuti uri kuona bhaisokopo nekuti zvaityisa, maziso ayo akanga akanyanya kukura,” akadaro.

VaDenford Matsakanure (52) vemumusha waMatanga, avo vanotiwo vakazoshevedzwa pachiitiko ichi, vanoti zvinogona kunge paine chirevo kubva kumasvikiro emudunhu iri nekuda kwezvakaitika izvi.

“Ndakashevedzwa kuti ndizobatsira sezvo ndiine ruzivo zvishoma nekuda kwenyaya dzakadai. Ndakatora ruredzo ndokukwizira kuti mbudzana iyi ibude zvakanaka asi zvikaramba.

‘‘Takazoona mbudzana iine misoro miviri,” vakadaro VaMatsakanure.

“Takambobvunza vakuru vemuno, kana iyesu hatina kumboona zvakadai.

‘‘Vamwe vari kupa pfungwa dzekuti kufambwe kumaporofita kana kuti kun’anga kubvunzirwe kuti zvinoreve chii nekuti dzimwe nguva midzimu inotaura kuburikidza nemashura akadai. Kunyange zvimwe zviitiko izvo Mwari vanenge vaine zvavanotaura kuburikidza nazvo,” vakadaro.

Zvakadaro, kune vamwewo vanoti zvichida mbudzi iyi inogona kunge yakashereketerwa nevane godo kuti mbudzi dzepamusha apa dzisawande sezvo dzichinzi dzinombodarika makumi mashanu panguva imwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey