McGregor ishasha: Mayweather

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
McGregor ishasha: Mayweather

Kwayedza

FLOYD Mayweather akabuda pachena kuti anoda kurwa naConor McGregor uyo waanoti ishasha yemutambo uyu.

Vaviri ava vange vachingotaura pamusoro pekurwa kwemwedzi yakawanda.

Mayweather – uyo akasendeka zvekurwa – akabuda pachena kuti anoda kurwa nemutambi weUFC uyu.

“Ndiri pano nhasi pabhavhadhe rangu, vanoramba vachitaura nezvaConor McGregor pamberi pangu,” akadaro Mayweather.

Akaenderera mberi akati, “Conor McGregor, sekutaura kwandakamboita kare, ndiri pano ngatironge mutambo uyu uitike. Ngatironge mutambo uyu uitike. Ngatipe vatsigiri zvavanoda kuona. Pangori nemutambo mumwe chete wakakosha uye ndewaMayweather naConor McGregor.”

Vamwe vatsigiri vetsiva vave kutoti Mayweather anogona kuhwina mutambo uyu sezvo McGregor asati amboukwikwidza. Asi Mayweather anobvuma kuti McGregor – uyo anozivikanwa saThe Notorius – ane tarenda rinodakadza mumutambo uyu.

“Ndinoreva kuti pese Conor McGregor paanoenda kunokwikwidza achikunda anozviita akamira,” akadaro Mayweather achipindura mubvunzo wekuti ndiani angakunde mumutambo uyu.

Akaenderera mberi akati, “Pakakundwa Conor McGregor, akakundirwa pasi. Haana kukundwa akamira. Saka mutambi wepamusoro anogona, anonetsa kurwa naye uye anoda kuhwina.

“Magirovhosi eUFC haana kunyanya kusiyana neetsiva, angori madiki mbichana asi kana mutambi ane simba chete, anenge ane simba uye Conor McGregor ane simba.

“Hatingataure nezvezvavo. Tinozviziva kuti nhamba yangu yakamira sei. Chikwata changu neni nhamba yedu iripo.” Mayweather aitaura pamusoro pemari yaangade kurwira naMcGregor.

“Anofanirwa kugadzirisa zvinhu zvake nechikwata chake. Kana Conor McGregor ataura neUFC nevakuru vake, tobva taronga kuti zviitike. Tine Showtime, Mayweather Promotions, iyo tinoziva kuti ndiyo ramangwana remitambo nemafaro,” akadaro.  – Daily Mail Boxing

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>