Mhandara ndoiwanepi?

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Ndiri mukomana ane makore 28 okuberekwa uye handisati ndaroora asi pfungwa dzekuti ndichitora mudzimai ndigare naye ndava nadzo.

Kubva muhujaya hwangu, basa rangu ranga riri rekudanana nevasikana ndichingovabvisa humhandara asi ndozosiyana navo.

Handitoyeuke kuti vasikana vandakabvisa humhandara pashure ndichizovaramba vangani.

Zvino ndave kuda kuchiroora sekuru, ndinoda musikana mhandara, asi handichamuwana.

Apa kuti ndiroore asiri mhandara, pfungwa dzangu dzinonditi akambomutanga ndiani, ndobva ndatomusiya.

Mhandara sedziya dzandaimbowana ndichikanganisa hadzichawanikwa.

Ndikaroora asiri mhandara ini ndaimbobvisa vamwe vasikana humhandara ndinoona kuti pamberi apo tinozonetsana.

Ndoitawo sei?

 

MHINDURO

Iwewe muzukuru nevamwe vazukurukomana vane tsika yakaita seiyi, ndinoti siyanai netsika yekukanganisa vana vevamwe.

Iwe ndiwe ani unoda kuzviita bhuru remusha, uchipota uchibvisa vasikana humhandara asi pashure wovaramba?

Mwari ndewe munhu wese, chiona kuti chawakadya chamuka.

Mhandara uchaiwanepi iwe wakapedza kukanganisa vana vevanhu?

Kutaura chokwadi vasukuru vakaita sewe ndinoti vanoshandiswa nemweya wasatani saka handivanzwire tsitsi.

Ko iko kusatya kwako zvirwere zvakaita seAids, unombovimba neiko iwe?

Iwe kana ukatapurirwa HIV ndinoti ndiwe wakazviparira wega. Kana iwe uchiti unoda kuroora mhandara, ko avo vose vawakabvisa humhandara vacharoorwa nani?

Vabereki vavo havadiwo pfuma yemwana wavo mhandara? Wave kuda zvakanaka asi iwe wakatadzira vamwe?

Usatsvinye uchidaro muzukuru!Vamwe varume vari kuzoroora vasikana vawakabvisa humhandara asi iwe woti hauvade, ndiko kushandiswa nasatani ikoko.

Kana kuti ndiwe satani wacho.

Iwe muzukuru tonhora zvako, itoroora akabviswa humhandara nevamwe semaitiro awakaita kumashure kwese uko.

Saka usati washaya wekuroora, tora iye asiri mhandara iyeye ugare naye zveupenyu hwese.

Dai ndakuona ndaikuti uende kuZINATHA vakuratidze ambuya kana sekuru vanogona kukushandira nekuti unoita seune mweya unokushandisa kuita zvakaipa.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715942183.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>