Mhandara yoramba kudzokera kumba

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Mhandara yoramba  kudzokera kumba

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
MUKOMANA wekushinha nemusikana wake ndokumubvisa humhandara akaigochera pahutsi zvichitevera kutizirwa kwaakaitwa uye musikana uyu ari kuramba kudzokera kumba kwavo.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Tawanda Mativi akamhan’arira Tinashe Kaipa achiti ari kumushungurudza.

“Changamire, musikana uyu anondimakidza kuti ndimuroore. Taimbodanana asi ndakarambana naye nekuti takatadza kuwirirana. Ndakaona mameseji evamwe varume vaanodanana navo mufoni make ndikamuti handichakuda asi iye ari kuramba.

“Akauya mumba mangu akaramba kubuda achiti haana kwaachaenda. Pari zvino inini ndakatotsvaga imwe imba asi iye anoramba achinditevera.

“Kana kubika chaiko mumwe nemumwe anozvibikira. Ini ndava kutya kuti anogona kufa ari mumba mangu nekuti mazuva ano ari kugara akanyarara zvinoita kuti ndishaye kuti anondifungirei,” akadaro Mativi.

Kaipa akaudza dare kuti akatizira Mativi nekuti ndiye akamubvisa humhandara.

“Ndakatizira kwaari kwete kuti ndinomumanikidza rudo. Mukomana uyu ndiye akandibvisa humhandara mumba make ndokusaka ndakaramba kubuda. Paakaona mameseji mufoni mangu evakomana vandaimbodanana navo akashandisa mukana iwoyo kundivhevhetedza kuti ndishinhe naye.

“Akandishevedza kumba kwake akati aida kutaura neni. Ndichingopinda mumba make, akabva angonditambira netsvodo kusvika pakushina tose. Ini hapana pandairamba nekuti ndinomuda.

“Pandakatizira akanditi ndiuye natete ndikaita sekudaro asi iye akaomesa musoro achiti haadi kugara neni zvinova zvandakaramba,” akadaro Mativi.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati vaviri ava vaizodzoka kudare zvakare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchiendera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey