Mhando dzeusavi

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
NHAURWA chaiyo yemitupo yakatanga yakarerekera mukukudza vanhurume kunyanya pakuvatenda sevanhu vaipinda mumasango kunoshava zvekudya. Zvaipa vashavi masimba nemanyemwe okuramba vachishavira mhuri. Chainyanyoshaviwa apa hwaiva husavi.

Madzimaiwo vaimira-mira nekwavo mukutsvagawo zvaisesedzana nenyama mugapu. Vaivawo nemhando dzemiriwo dzavaiziva kunotemha musango vachibikira mhuri.

Vaienda musango vonotemha chirevereve, furanondo kana mowa. Vaiva namabikiro avo aiita kuti muriwo iwoyo ugonaka iwo wabikwa jovochovo kana kuti munjonjo. Munjonjo kana kuti jovochovo muriwo usina mafuta.

Vaitemha zvakare mujakari, nyevhe nerune vachibikira mhuri. Vanhukadzi ivavo vainononga nekutemha howa hwakasiyana-siyana.

Nyaya yehohwa inoda vanhu vanoziva hunodyiwa nehusingadyiwi nekuti humwe hohwa hunouraya. Nokuda kwekuti hohwa hunogona kutora upenyu hwemunhu, tinoda kuti titarise mazita ehohwa hunodyiwa zvisina dambudziko.

Kune kahohwa kanonzi tsvuketsvuke kanoti mvura ichingonaya kobva katsvukisa masango kari muzasi memiti. Rimwe zita racho kanonzi kafirifiti.

Pane humwe hohwa hunonzi uzutwe kana kuti uzukweuzukwe hunomera pachuru. Uzutwe hwakasiyana nehuvhe iyo inowanikwa zvakare pazvuru kana pose-pose. Huvhe hohwa hukuru hunoita guvhu uye mudzi wakareba. Huvhe inoonekwa paya panonaya mvura zhinji yeZhizha.

Chihombiro nechitsoka hohwa hupfupi hunozivikanwa nembiri yekunaka zvikuru. Kunowanikwawo hohwa hunonzi nhedzi hunova hunotsvedzerera uye huchibuda pachuru. Nhedzi inonakawo zvikuru.

Nzeveyambuya kana kungoti nzere hohwa hunenge tunzeve twembwa. Kune kamwe kahohwa kasingadyiwe kari kanyoro.

Kanotongoda chete kakafushwa. Kahohwa aka kanonzi nyakasheshe. Kanoda kufanana nekahohwa kamwe kanouraya kana kakadyiwa kari kanyoro kanonzi kumudzihakunamakuva.

Mhindupindu dzekutsvaga chekudya kana kusevesa dzakadzidzisa vanhu kudya madora. Madora anozivikanwa zvikuru nenyaya yekupa utano nekuvaka muviri. Madora iwaya haana kufanana sezvatinofungira kwete.

Kune madora anonzi chiwizi. Aya madora anowanikwa mumuti wemukute kana kuti mubonda. Tine mashonjwa ayo akati chenurukei anowanikwa mumunhondo, mupani kana mumusasa.

Manhemeteme anowanikwa mumusasa. Masinini anowanikwa mumubonda, musasa, mupfuti kana munhondo.

Harati dzinowanikwa mumukarati, nhongotowa dzichiwanikwawo mumutowa. Vadyi vemadora vazhinji havana dambudziko reutano. Usavi hwaiwedzerwa zvakare nembeva. Kune zvinotaurwa zvakawanda pamusoro pembeva zvekuti vanhu vakazviterera vanorasika vakapotsana nekudya tsurondisunge yenyama inobva mumbeva. Mbeva idzodzi dziri pakawanda.

Kunowanikwa mbeva inonzi danhazvuru iyo inotambira muzvuru nemumakuru. Kunowanikwawo dapi rinova zimbeva guru rinotambira makanyorova kunyanya mumapani kana kuti matimbwa.

Kanhururu ndiko kambeva kane mitsetse mitema pamusana. Kanonyanyowanikwa mumadhunduru ane huswa hwakawanda.

Shana imbeva ine mafuta inowanzobatwa zvakanyanya munguva yekukohwa. Kuchera shana kunorwadza nekuti mwena wayo unodzika muvhu zvakanyanya uye wakatsindirwa.

Nhika imwe mhando yembeva uye dzinowanzobatwa nekuchera. Nhika dzinonyanyowanda munguva yekukohwa. Mbende zimbeva guru zvakafanira uye rine mbiri yekudheka nekunzvenga vanodzichera vachipondana mipimbiri nemapadza nekuipotsa.

Huchi, makurwe nehove ndizvo zvimwe zvaiwedzera mhando dzeusavi. Pahuchi tinowana mhando shanu dzinoti hwomukoko, mbadzi, chifoka, dendende nemonga. Kumakurwe kunowanikwa nyaruzanda nechinyamunjwiriri.

Hove dzinonyanyozivikanwa magwaya, miramba, majenya, masinde, mburi, hunga nechibayangwena.

Share This:

Sponsored Links