‘Mhanzi inoda hushingi’

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Mhanzi inoda hushingi’

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo wesungura ari kusimukira, Knowledge Sangurani, anoti indasitiri yezvemimhanzi inoda hushingi sezvo iine zvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kunetsa kwemari yekutsikisa nekutengeswa kwemimhanzi pamisika yemikoto. Sangurani, uyo anotsigirwa nechikwata cheExtra Museve Pfuti, achangobva mukubura dambarefu rake rekutanga rinonzi Zviri Mudzimba.

Muhurukuro neKwayedza, Sangurani anoti akatora makore anosvika 20 kuti atsikise dambarefu rake iri sezvo aimbounganidza mari yekuritsikisa pamwe nekuvaka chikwata chake.

“Mhanzi yemuno inoda hushingi, hausvike kumusoro kana kutambirwa nevatsigiri kana usingashande nesimba. “Zvinoda kuzvipira chete kuti ndizvo zvandave kuita, kana uchinyozera vatsigiri havakutambire vanongokutarira vokusiya wakadaro.

“Ini zvakanditorera makore 20 kuti nditsikise dambarefu rangu rekutanga uye ndave kunzwa kuti ndinokwanisa kusvika kure, asi hunge ndikaramba ndichishanda nesimba,” anodaro Sangurani.

Anoenderera mberi achiti makore ano mavhidhiyo akanaka ndiwo ave kunyanya kufarirwa nevatsigiri. Muchinda uyu anoti chishuwo chake ndechekutevera mumatsimba aJah Prayzah uyo waanoti ari kubika mavhidhiyo emhando yepamusoro.

Sangurani parizvino ari mushishi kubika DVD redambarefu rake rekutanga iri iro anotarisira kuzoparura nguva inotevera.

“Vatsigiri mazuva ano havachangode kunzwa mhanzi chete, vanodawo kuona mavhidhiyo akanaka. Mavhidhiyo ari kubatsira zvikuru kusimudzira indasitiri yemhanzi,” anodaro Sangurani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey