Mhanzi yangu ndeyezodzo: Magwada

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Mhanzi yangu  ndeyezodzo: Magwada

Kwayedza

MUIMBI wenziyo dzechitendero ari kusimukira, Florence Magwada, anoti akatanga zvekuimba pamwe nekutsikisa mhanzi yemusambo uyu mushure mekunge anzwa izwi raiti anofanira kuparidzira shoko raMwari kune veruzhinji.

Mwagwada, uyo anogara kuSouth Africa,  parizvino akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Mufudzi Wangu.

“Mhanzi yakangouya kwandiri ndisingazvifungire apo ndakanzwa izwi richiti ndinofanira kuparidza shoko raMwari ndikati regai ndibatisise nekuti iyi inzira yekurumbidza Mwari wangu.

“Munyika muzere nezvitadzo zviri kuitika saka ini ndiri kushandisa mhanzi yangu kuti ndigotendeutsa vanhu vatevere vhangeri ratakasirwa naJesu Kristu,” anodaro Magwada.

Anoti chishuwo chake ndechekuti mhanzi yake iite mukurumbira muZimbabwe sezvairi kuita kunze kwenyika.

Parizvino ari mushishi yekuvaka chikwata chake chemuno icho achazoshanda nacho paanouya kuzoita mashoo muZimbabwe.

“KuSouth Africa mhanzi yangu yakatambirwa uye rutsigiro rwandinowana kubva kumakereke akasiyana kwandinosimboridza runofadza zvikuru nekudaro ndinotarisira kuvaka zita rangu muno.

“Panguva ino ndave kumboumba chikwata changu icho ndichange ndichizoshanda nacho muno pose pandinenge ndauya kuzoridza uye ndinovimba kuti zvichandibatsira kukura mumhanzi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Nguva yatatarisana nayo yeKisimusi iyi panoitika zvinhu zvakawanda saka isu sevaimbi venziyo dzechitendero tinofanirwa kunge tiri kushanda zvakasimba mukuparidza vhangeri raJehovha kuti vanhu vave nezororo rakanaka.”

Dambarefu raMagwada — Mufudzi wangu — rine nziyo dzinoti Ndinochema, Asi Jesu, Anouya, Mufudzi wangu, Ndimi Chete, Makanaka naNdinouya Kwamuri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey