Uncategorized

Mhembwe bherengende mumba

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Mhembwe bherengende mumba

Kwayedza

l Vanhu vakatiza neupenyu hwavo

Kingstone Mapupu
IMWE mhuri inogara pakomboni yeWingate Golf Club, muHarare, yakasara isina chekutaura mushure mekupindirwa mumba mavo nemhuka yemhembwe zuva rakacheka nyika.

Pane mashoko ari kutsinhirwa anoti mhembwe iyi ingangodaro iine chekuita nekushandisirana mishonga yakaipa sezvo zvichinzi pane vakadzi vaviri vari kunetserana murume.

Manenji aya anonzi akaitika pamba paVaDay Marufu (41) nemudzimai wavo, Sonengani Moyo (37), nenguva dza10 mangwanani. Mhembwe iyi, iyo inonzi yaive pfumburukwa iine nyanga, yakasvikopinda mumba maiva nevana vaviri – ane makore 13 nemumwe ane makore 8 ekuberekwa.

Inonzi yakasvikotanga yadongorera mumba imire pamusuwo vana vaivemo ndokutizira mumba yekurara vachikwetsura mhere kuchema. Mai Moyo vanoti pakaitika izvi ivo vakange vaenda kubasa.

“Ndakamuka makuseni ndikaenda kubasa ndokusiya murume wangu nevana pamba. Zvinonzi dzava kuma10, apo baba vaiva mutakishopu vana vari mumba, mhembwe ndipo payakauya mumba. Vana vanoti yakasvetukira mumba yekutandarira ichichema ndokuzonangana nemwana mudiki aivamo uyo akatizira mubhedhuru maiva nemukoma wake,” vanodaro.

Vanoti vana vavo vakazozvivharira muimba yekurara nekutya. Panguva iyi, vanodaro Mai Moyo, mhembwe iya inonzi yakange yava pasofa asi pashure ndokutanga kumhanya-mhanya mumba yekutandarira umo mune zvinhu zvakaita sematerevhizheni apo ichigwedebudza midziyo.

“Baba pavakanzwa ruzha rwevana vaichema, vakabva kutakishopu ndokusvikoedza kuvhura dhoo iro raiva raiswa chihuri nemukati ndokutadza. Pavakadongorera mumba nepahwindo, vanoti ndipo pavakaona mhembwe iri pasofa.

“Vakati kumwana mukuru avhure dhoo ivo ndokupinda mumba,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vachitaura voga (VaMarufu) vanoti vakaona mhembwe iyi ichisvetuka mumba. Vazongoita madzengerere ndokuita dzungu apo mhuka iyi inonzi yakabuda ndokutadza kuona kwayakaenda.” Mai Moyo vanoti nyaya iyi ine chekuita nekuromba.

“Nyaya iyi yabva kuitika, tose nababa semhuri takazoenda kumuporofita uko takanonamatirwa tikaudzwa kuti mhuka iyi yakatumirwa nevavengi. Mushure, kwakazouya mumwe mukadzi nemukoma wake achindipomera kuti ndaiva ndati mhembwe iyi yakatumirwa naiye nekuti pane fungidziro yekuti anodanana nemurume wangu,” vanodaro.

Vanoti vakadzi ava vaitoda kuvarwisa nekuda kwenyaya yemhembwe iyi.

“Mumwe wevakadzi ava anozivikanwa kuti anodanana nemurume wangu nekuti ndakabata mashoko avaitumirana nemurume wangu panhare. Mamwe mashoko acho akatumirwa murume wangu anoti, ‘Iwe ndipe zita chairo remukadzi wako nesurname yake nemutupo ndinoda kuenda nazvo kun’anga’.

“Ndakanzwa kuti anoda kundigadzira nekundinokora tsoka. Murume wangu akazopindura achitumira zita rangu nemutupo.”

Mukadzi ari kupomerwa kudanana naVaMarufu akangozivikanwa saPatience kana kuti Mai Tawonga uye vanonzi vave nemakore matatu vachidanana. Mai Moyo vanoti vakazobvunza murume wavo nezvemashoko aaitumirana naPatience akatadza kutsanangudza zvinogutsa.

“Hatizive kwakabva mhembwe iyi asi nekuda kwezviri kuitika ndinongoti pano ndiri kuchengetwa naMwari, vanhu vanoda kundiuraya. Mukadzi uyu ndiye anodanana nemurume wangu, ave kuuya kumba kwangu kuda kuzondirwisa,” vanodaro.

“Imwe meseji yandakaona mufoni yemurume wangu yakabva kumudzimai uyu yaiti, ‘Nhaiwe mukadzi wako ari kuenda riinhi kumba kwavo?’ Murume wangu akapindura kuti, ‘Shinga achaenda chete’.”

Mai Moyo vanoti vakaroorana nemurume wavo mugore ra1998 uye vane vana 4.

Patience paakabvunzwa neKwayedza nezvenyaya yekuti akanetsana naMai Moyo pamusoro pemhembwe, akabva atanga kupengereka.

“Ehe, ndakamubvunza mukadzi waMarufu, nyaya yekuti ari kufamba achiti ndini ndakatumira mhembwe kumba kwake. Ndaida kumurova. Ko kana mhembwe yaizvifambira zvayo anozviziva sei? Manje ini murume wake ndichadanana naye moto, akaramba achidaro anoisiya imba iyi,” akadaro Patience.

“Ngavataure chokwadi kwakabva mhembwe iyi masikati machena. Kana zviri zvemurume, ngavazive kuti ndinodanana naye zvakasimba. Endai munovaudza kuti ndave kutomuda, manje ndinomutora akasara pamhene.”

Patience akazopedza kutaura ave kumhanyira mukombi achitiza kutorwa mifananidzo.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaMarufu sezvo musi uyu vanonzi vaiva kubasa kwavo kuWingate Golf Club uye nharembozha yavo haina kubatika kusvikira pakunodhindwa kwenyaya ino.

Vagari vemunzvimbo iyi vakataurwa navo vaisada kudurwa mazita avo vachiti ine chekuita nehuroyi.

“Imi siyanai neni, munondiuraisa. Makamboona mhembwe inopinda mumba masikati machena akadai? Handidi nezita rangu mukazoonekwa muneni hazviite mushe, munondikuvadzisa,” akadaro mumwe murume.

Zvisinei, VaBonface Katerera vekuUzumba vanoti haisi mhembwe yakaonekwa nevanhu ava asi kuti chikwambo chaive chatotumwa.

“Zvikwambo kana zvidhoma zvinouya nenzira dzakasiyana. Pamusha pavo panofanirwa kugadzirwa ivo vogezeswa,” vanodaro VaKaterera.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links