Mhiko muzvikoro…‘Ngadziitwe, zvinobatsira’… ‘Hazviite, kupedza nguva’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Mhiko muzvikoro…‘Ngadziitwe, zvinobatsira’… ‘Hazviite, kupedza nguva’

Kwayedza

VABEREKI, vadzidzisi nevana vechikoro vari kupa mafungiro avo pamusoro pezvidzidzo zveNational School Pledge, chinova chirongwa chekuti vana vechikoro vanoita mhiko dzakananga kuvafundisa kuti vazive zvakakoshera kudada nekuve zvizvarwa zveZimbabwe.

Mhiko idzi dzichatanga panovhurwa zvikoro musi wa3 Chivabvu.

Mhiko idzi dzinotarisirwa kuitwa kubva padanho rekukireshi kusvika Form 6 uye dzinosanganisira mashoko anoti: “Mwari Baba vemasimba ose avo upenyu hwedu huri mumawoko avo. Ndinopa ruremekedzo kumureza wenyika uye ndinozvipira kushanda zvine hunhu, ndakatendeka pamwe nesimba.”

Pamhiko idzi zvakare pane mashoko ekupa ruremekedzo kune vakarwa hondo yeChimurenga iyo yakasunungura nyika ino nekutenda nekuda kweupfumi nezviwanikwa zveZimbabwe.

Kwayedza yakakurukura nevanhu vakatsaukana pamusoro pechirongwa ichi apo vamwe vari kuchitsigira asi vamwewo vachipokana nacho.

Mai Cecilia Mvuma (30) vemuHarare vanoti mhiko idzi dzakanaka kana dzichidzidzisa vana nhoroondo yenyika yavo asi hadzifaniri kumanikidzirwa kuti vana vadziite.

“Isu tinotuma vana kunodzidza kuti vabudirire muupenyu, saka kana mhiko idzodzi dzisingabatsiri kuti vana vapase ngadziregedzwe,” vanodaro.

Asi Shantel Masara (16), uyo anodzidza paHatfield Girls High, muHarare, anoti haawirirane nechirongwa chemhiko ichi.

“Ini hangu handioni kukosha kwemhiko idzi nekuti dzichapedzera vana nguva yekuita zvidzidzo. Mushure mekuimba rwumbo rwukuru rwenyika (national athem) vachaita mhiko idzodzo nguva ichipera.

“Mhiko idzi hadzifaniri kumanikidzirwa kuvana nekuti zvitendero zvinosiyana uye vamwe vanamati havatenderwi kungoita mhiko dzese-dzese,” anodaro Shantel.

Mashoko ake akatsigirwa naSimbarashe Sithole (17) wepachikoro chimwe chete ichi achiti zvinorwadza kuti vana vave kuitiswa mhiko dzekuti varambe vachirangaridzwa nezvehondo iyo yaishungurudza magamba.

“Ndakanzwa kuti pamhiko idzodzo pachange pachitaurwa nhau yekusaruta magamba akafira nyika ino. Ini sekuru vangu vakafa muhondo nenzira inorwadza saka tikanzi tirambe tichiita mhiko idzi zuva nezuva zvinorwadza,” anodaro Sithole.

Mai Rutendo Madzudzo (35) vanoti kana mhiko idzi dzakanaka, ngadziitwe asi nerimwe divi havaone sechinhu chakanaka chekuti vana vapikiswe mhiko nekuti havasati vayaruka mupfungwa.

“Tinotyira kuti dzimwe mhiko dzinogona kuzodzvanyirira vana mukufamba kwenguva apo vanonzi vasazoenda kunze kwenyika kunotsvaka mabasa nekuti vanenge vakapika kuti vakazvipira kushandira Zimbabwe imo munyika macho musina mabasa. Varapi chaivo vari kusungirwa kuti vatange vashanda muno kwemakore matatu mushure mekudzidziswa nekuda kwemhiko. Asika, kana dzakanaka hadzo ngadziitwe murugare,” vanodaro.

Mumwe mwana, Malven Masiiwa (17), anoti kuitiswa mhiko hakusimudzire dzidzo asi kuti zvekushandisa mudzidzo zvinofanira kuwedzerwa kuti fundo yemuno inge ichisimukira.

“Mhiko idzi tiri kunzwa dzichitaura kuti Mwari nemureza wenyika zvinofanira kuremekedzwa. Asika, handi vose vanotendera muna Mwari, vamwe vanotenda kuzvivezwa kana kumarasta saka zvinenge zvine mweya wehunzvanyiriri mukati.

“Munyika yakasununguka vanhu vane kodzero yekusarudza zvavanoda kunamata. Pwere dzinopikiswa mhiko yezvinhu zvadzisingazivi kuti zvidii?

“Ngatiregei kupedza nguva nekutsvaga zvirongwa zvinoburitsa mari pasina nekuti pachada kudhindwa mabhuku ane mhiko idzodzo kuti mudzidzi mumwe nemumwe ange achinodzifundira asi vana vachidofora kunyangwe neShona chaiyo yavanogara vachitaura kudzimba.”

VaMunyaradzi Tawedzera (22) vanove murairidzi wepaBlessed Angels College, kuMbare muguta reHarare, vanotiwo vanopokana nenyaya yemhiko.

“Ngatisaitisei vana zvinhu zvatinoda isu tisati taziva kuti ivo vanozvidawo here. Pwere dziri kuitiswa izvi dzine makore ari pasi pe18 nokudaro pamutemo chaipo hadzisati dzave nesarudzo yezvinhu zvakavanakira. Kunyangwe vabereki vakabvumirana nazvo, vana vanogona kuzozviramba pavanoyaruka,” vanodaro.

Zvakadaro, pane mumwe mubereki akatoendesa bazi redzidzo yepuraimari nesekondari kudare reConstitutional Court achipikisana nechirongwa chekuitisa vana vechikoro mhiko ichi achiti haadi kuti vana vake vazviite. Mubereki uyu, uyo asina kudomwa zita rake, akaendesawo kudare iri vakuru vezvikoro zvinodzidza vana vake zvinoti Mashambanhaka Secondary neChizungu Primary uye naAttorney-General of Zimbabwe.

Ari kumiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights uye nyaya iyi haisati yazeyewa nedare iri.

Mubereki uyu anoti iye nemhuri yake vanopinda chechi yeApostolic Faith Mission in Zimbabwe (AFM) nekudaro kana vana vake vakaitiswa mhiko idzi zvinopesana nechitendero chavo.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavhima, nguva yadarika vakaudza dare reSenate kuti mhiko idzi dzakakosha uye mashoko anotaurwa nevadzidzi anobva mubumbiro remutemo wenyika.

Prof Mavima vanoti chirongwa ichi chinoita kuti vana vadade nenyika yavo nekunzwisisa upfumi hunowanikwa mairi uye chakauya mushure meongororo yekuvandudza dzidzo yakaitwa nebazi ravo muzvikoro zvose zviri munyika. Vanhu vanosvika miriyoni, vanodaro Prof Mavima, vakapa mafungiro avo pangtuva yaiitwa ongororo iyi.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey