Mhirizhonga bodo, hazvina kuti ndiani

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Mhirizhonga bodo, hazvina kuti ndiani CHABVONDOKA . . . mifananidzo iyi inotaridza Violet Chita achibata huruweki mutori wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, apo amai vake, Mai Pauline Chitsa vaiedza kurandutsira. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

MHIRIZHONGA yerwupi rudzi yakagara inokanganisa magariro akanaka evanhu, zvikuru kana ichinge iri yemudzimba.

Nyaya dzemhirizhonga yemudzimba mazuva ano dzinoratidza sedziri kuwanda.

Kune nyaya dzerudzi urwu dziri kutongwa nguva nenguva kumatare edzimhosva, dzimwe dzacho dzinototyisa.

Mamwe madzimai ari kuendesa varume vavo kumatare vachivapomera kuti vanenge vachivashungurudza.

Zvimwe chetewo nevarume, kune vamwe vari kumhan’arira madzimai avo kumatare vachiti vari kuvafurufusha.

Kunze kwaizvozvo, vamwe vabereki vari kuzvuvira vana vavo kumatare vachida magwaro edziviriro.

Zvinoreva kuti nyaya dzekushungurudzana mudzimba dziri kwose – kuvanhukadzi nekuvanhurume.

Mamiriro ezvinhu akadai anoodza moyo zvikuru nekuti ingave mhuri kana vanhu munharaunda vanotarisirwa kuti vagare zvakanaka.

Hazvishamise mazuva ano kunzwa kuti mukuwasha aendesa ambuya kudare kana kuti tezvara vamhan’arira muroora nekuda kwenyaya yemhirizhonga.

Nyaya idzi dzinokahadzisa chose uye mubvunzo mukuru ndeunoti chii chiri kumbokonzeresa mhirizhonga dzerudzi urwu uye tsika nemagariro akanaka evanhu vatema zviri kuendepi?

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya yemadzimai maviri akaendesana kudare nenyaya yekurwira murume.

Mumwe wemadzimai aya anoti shamwarikadzi yemurume wake ine katsika kekuuya kumba kwake yopinda mumba nepahwindo umo inosasana nemurume wake apo iye anenge ari mune imwe kamuri yemba.

Chinoshamisa ndechekuti ari kunzi shamwarikadzi uyu ari kutsinhira kuti ichokwadi, anopinda mumba umu nepahwindo uye anotiwo murume uyu ndewakewo.

Murume ari munyaya iyi anoratidza kuti haana kurongeka zvachose.

Akafunga kuti akangwara apo aipinza mumwe mudzimai nepahwindo kusvikira gure iri razofumuka.

Kana murume uyu achida chipari, ngaachiite pajekerere kwete kuda kutamba nemoto unopisa.

Nyaya dzakadai ndidzo dzimwe dzinokonzeresa mhirizhonga yemudzimba uye kana rufu chairwo nekuti madzimai maviri aya anogona kurwisana nekuda kwenyaya iyi.

Tine imwezve nyaya inorwadza, yemurume akaendeswa kudare redzimhosva nemudzimai wake mushure mekunge amurovera kumubikira sadza nederere. Kana murume uyu achida kudya sadza nenyama, ngaatengeka kwete kuzvambaradza mudzimai.

Ukaona mudzimai obika sadza nederere ndizvo zvinenge zviripo uye ibasa rababa vemba rekutsvaga usavi. Ukangoona mudzimai wako okupa sadza nenyama mazuva ose, iwe usingamupe mari, unoti ari kuiwanepi?

Zvakakosha kuziva kuti mhirizhonga yemudzimba inokanganisa magariro akanaka emhuri.

Vana vanokurira mumhuri inenge ichiitwa mhirizhonga vanokanganisika zvikuru mupfungwa uye vanogona kuzoitawo mhirizhonga yemudzimba kana vave muwanano dzavowo.

Ibasa remunhu wose kudzivirira mhirizhonga yemudzimba.

Share This:

Sponsored Links