Mhirizhonga munhabvu bodo: Zifa

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Mhirizhonga munhabvu bodo: Zifa Xolisani Gwesela

Kwayedza

Xolisani Gwesela

Xolisani Gwesela

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti mhirizhonga mumutambo wenhabvu haitenderwe zvachose uye vatsigiri havafanirwe kuregedzwa vachipinda nezvinokuvadza zvakaita semabhodhoro nematombo munhandare dzakasiyana dzenyika. Mashoko aya anotevera mhirizhonga yakaitika kuBabourfields kuBulawayo svondo radarika apo vatsigiri veHighlanders vakatanga kukanda matombo nemabhodhoro chikwata chavo pachakakundwa neCAPS United mumutambo weBob 91 Super Cup.

Mukushi wemashoko kuZifa, Xolisani Gwesela, anoti sangano ravo richaongorora nyaya iyi zvizere mushure mekunge raziviswa zvakaitika na“match commissioner” wemutambo uyu.

Zvakadaro, Gwesela anoti mhirizhonga haitenderwe munhabvu uye vatsigiri vemutambo uyu vanofanirwa kuenda kunotsigira zvikwata zvavo pamwe nekufara mune zvakanaka.

“Mhirizhonga haitombotenderwe munhabvu uye isu tiri kukurudzira mapurisa kuti asunge vese vanobatwa vachiita mhirizhonga munhandare.
“Vanhu vanofanirwa kuuya kubhora kuzofara kwete kutya kuzoona chikwata chavo chichitamba.

“Nhabvu haizi hondo, mapurisa ngaasunge nhubu dzose dzinoita mhirizhonga.
“Isu tiri kutokatyamadzwa kuti sei vanhu vachikwanisa kupinda nemabhodhoro pamwe nematombo munhandare,” akadaro Gwesela.

Chamangwiza wePremier Soccer League, Kennedy Ndebele, anoti sangano ravo richagara pasi nebhodhi reZifa svondo rino nedonzvo rekuti pasimbaradzwe mitemo inoranga zvakasimba zvikwata zvine vatsigiri vanokonzeresa mhirizhonga kumitambo.

“Isu tichagara pasi nebhodhi tosimbaradza mitemo yekuranga zvikwata zvinokonzeresa mhirizhonga,” akadaro Ndebele.
Zvakadaro, Ndebele anoti mitambo yePremier Soccer League haisi kuzotanga svondo rino sezvo kune fainari yeBob 91 Super Cup iyo ichaona Dynamos FC ichisangana neCAPS United.

DeMbare, sezita remadunhurirwa reDynamos, ndiyo ine mukombe uyu uyo yakahwina gore radarika.

Share This:

Sponsored Links