‘Mhirizhonga munhabvu bodo’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘Mhirizhonga munhabvu bodo’

Kwayedza

SHASHA dzakambotambira Dynamos FC neCAPS United svondo rino dzinokurudzira vatsigiri vezvikwata zviviri izvi kuti vasiyane nemhirizhonga apo zvichasangana mumutambo unozivikanwa nekuti Harare Derby uyo unotarisirwa kunakidza zvekukunda ngoma kurira.

Svondo rino nemusi weSvondo nzira dzose dziri kunanga kunhandare yeRufaro Stadium kuMbare muguta reHarare uko kuchatambirwa mutambo uyu.

Zvikwata izvi kubva kare makara asingaonane uye mitambo yazvo yese inonakidza zvikuru asi dzimwe nguva inozopera yangove mhere-mhere.

Mwaka uno, CAPS United kana kuti The Green Machine – iyo iri kurairidzwa naLloyd Chitembwe – iri kutamba zvinonwisa mvura izvo zvaiona ichihwina mitambo miviri kubva mumitatu yayatamba. Mumwe wacho yakaita mangange 1-1 neNgezi Platinum.

Nerimwe divi, DeMbare yange ichitatarika kunwisa mumitambo yayo sezvo wekutanga yakakundwa 3-0 neChicken Inn, wechipiri ikaita mangange 0-0 neTriangle United kozoti wechitatu svondo radarika yakakunda Mutare City 2-1.

CAPS United yakapedzisira kukunda DeMbare mugore ra2009 apo yakahwina 2-0 uye pamwe pose apa yange ichingorikitwa kana kuita mangange.Mwaka wadarika, mitambo yezvikwata zviviri izvi yakapera ari mangange.

Shasha yakambonetsa ichitambira CAPS United, Alois Bunjira, anoti uyu ndiwo mutambo mukuru wemuZimbabwe unogara wakamirirwa nezvikwata zviviri izvi pamwe nevatsigiri vazvo. Anoti panguva yaaitamba nhabvu hapana chinhu chaimufadza zvikuru sekukunda DeMbare.

“Hapana mumwe mutambo waindifadza kudarika kukunda Dynamos FC uye ndizvo zvandichange ndakatarisira svondo rino.

“Uyu mutambo mukuru unonakidza asi zvinhu zvinogona kushanduka svondo rino saka chikwata chedu ngachinge chakangwarira,” anodaro Bunjira.

Zola, sezita remadunhurirwa raBunjira, anoti vatsigiri vezvikwata zviviri izvi ngavadzidze kutambira zvinobuda mumutambo uyu kwete kupedzisira vave kuita mhirizhonga sezvo zvichisvibisa nhabvu yemuno.

“Mhirizhonga tiri kuiramba nekuti tinoziva chaizvo kuti panowanzopera mutambo uyu chikwata chinenge chakundwa vatsigiri vacho vanowanzoda kuita hukasha. Tiri kuzviramba izvozvo, vahwina vahwina uye vakundwa vakundwa. Mutambo kana wapera tinogona kutobatana mawoko toenda hedu kunonwira-nwira hazvina basa kuti uri muKepe-kepe here kana kuti muDeMbare,” anodaro.

Zola akatamba mumitambo yakawanda yeHarare Derby uye anoti haakanganwe mitambo miviri inoti weBP Cup semi-fainari ya1996 apo vakahwina 1-0 mushure mekunge Stewart Murisa anwisa. Mutambo uyu wakazomiswa mushure mekunge pamuka mhirizhonga apo sangano rePSL rakazopa mutambo uyu kuCAPS United.

Mutambo wechipiri waasingakanganwe anoti ndewefainari yeBP Cup wa1997 apo Kepe-kepe yakahwina 2-1 mufainari uye ndiye akanwisa kaviri.

Zvakadaro, shasha yakambonetsawo ichitambira Dynamos – FC Masimba ‘Member- in-Charge’ Dinyero – anoti mutambo weHarare Derby wakakosha zvikuru.

Anoti makore adarika, DeMbare yange iri pamusoro peKepe-kepe asi zvinhu zvigona kusanduka sezvo bhora mutambo.

“Mutambo uyu tinoziva uchinakidza zvikuru uye unowanzoshandura zvakawanda, chikwata chinowanzokundwa mwaka wacho unopera chichingotatarika. DeMbare kwemakore ndiyo yange ichibuda iri pamusoro asi svondo rino hatizive kuti inokunda ndeipi sezvo nhabvu ichishanduka nguva nenguva.

“Parizvino Kepe-kepe iri kutamba zvinonwisa mvura kozoti DeMbare yave kutanga kusimuka saka tinotarisira zvikuru kuti mutambo uyu uchange uchinakidza kukunda ngoma kurira.

“Tiri ipapo, vatsigiri venhabvu ngavauye kuzotsigira zvikwata zvavo chete kwete kurovana, hatidi izvozvo. Tinoda kuona zvikwata zvedu tine mufaro chete, vahwina vahwina uye kana makundwa mozozvionawo mumutambo unotevera,” anodaro Dinyero.

Dinyero anoti mutambo waasingakanwe wavakatamba neCAPS United ndewe mugore ra1997 apo DeMbare yakakundwa.

Mugore iri, mutambo wekutanga wakapera uri mangange 1-1 apo Kepe-kepe yakapihwa pena mutambo wave kusvika kwamvura yacheka makumbo izvo zvakakonzeresa kuti uzotambwe zvakare, CAPS United yakazohwina 2-1 apo pakanwiswa kaviri naAlois Bunjira.

Share This:

Sponsored Links