Kwayedza
MHODZI dzemanhanga dzakakangwa muriwo wakanaka zvikuru uye unovaka muviri sezvo dziine mapuroteni neiron yakawanda izvo zvinobatsira mukurwisa zvirwere.
Svondo rino Kudzai Chihamba wekuBindura anotsanangudza makangirwo emhodzi idzi.
Zvinodiwa:
Mhodzi dzemanhanga, munyu, mvura, majarini, rwayenga kana pani
Mabikiro:
Tora rwayenga kana pani yakachena ugadze pamoto.
Isa twumajarini twushoma wosiya twuchinyungudika.
Kanda mhodzi dzemanhanga wodzikanga.
Isa munyu wakasangana nemvura pashoma-pashoma uchikanga.
Ita kuti dzisare dzakatsvukira uye dzaoma.
Kana zvadai chibura udye nemhuri.
Mhodzi dzemanhanga dzinodyiwa nesadza jena kana dzakadaro uchinwira-nwira nemvura kana mahewu.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281