Midzimu, kurasirira nekusaririra

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NDAKAKURA munguva dzekuti vanhu vakanga vachiri kuita mapira, kukoshesa n’anga nekurasirira. Mazuva ano handichaona zvinhu zvakarasirirwa sezvandaiita tichikura.

Kurasirira kwaiitwa nevanhu vanenge vatambudzwa nemweya kana chimwe chinhu mumhuri. Vanhu ava vaigona kunge vachiziva mhosva yavakapara, yaigona kunge ichikonzerwa nekuba, nekuuraya kana chimwe chinhu chavakaita.

Saka vaigona kuudzwa nen’anga kuti kana mukatsvaga huku kana mbudzi mukauya nayo, tinoigadzira kuti mbudzi kana huku iyoyo igotakura mhosva kana mweya wacho unenge uchinetsa. Kana mbudzi kana huku yatakura mweya iwoyo, yaibva yaregedzwa kuti ingofamba nenyika.

Pamwe mbudzi kana huku idzi waidziona nekusungirirwa machira matsvuku kana matema.

Zvainzi mhosva kana mweya unenge uchitambudza waizoenda pambudzi iyi uchibva pane akapara mhosva. Zvaigona kuti kana pakawana anenge atora mhudzi kana huku iyoyo akaidya, ndiye aibva atakurana nemhosva kana nemhepo yacho.

Ndizvo zvakaimbwa naThomas Mapfumo mune chimwe chimbo chake achiti, “Mbudzi nhema handidye nyama, ndinozodya neyakadirwa ngozi.”

Chaaitaura ndicho chekuti vanhu vaidzinga mweya kana mhosva yengozi nekuiisa pazvipfuyo. Anenge adya nyama iyoyo aigona kubva ave ndiye ane mhosva.

Zvinhu izvi zvakanga zvisingangoitika nezvipfuyo chete, asiwo zvaiitwa nemari. Mari yaigona kurasirirwa zvekuti aizoinhonga aibva atorana nezvinhu zvinenge zvichirasirirwa.

Saka mumazuva atakakura, waigona kuona mari, asi waisainhonga nekuda kwezvikonzero izvozvo. Ukangonhonga bedzi waitakurana kana kutorana nazvo.

Asi tiri panguva ino yePaseka, nguva yakafa Jesu Kristu pamuchinjikwa, ropa rake rikatakura mhosva dzedu dzese, ndinobva ndaona kusaririra kwatakanga takaita. Zvatakanga tichiita zvekurasirira zvaiitwawo kare kuTestamende Yekare muBhaibheri. Kubhuku raRevhitiko, kunotsanangurwa zvakafanana nezvataiita zvemombe dzediramhamba nezvekurasirira. Nekuti kare ikako vanhu taiisa mazita evafi pamombe, asi mombe dzacho dzine nguva yekuti dzaizourayiwa kuti dziripe kana kupedza hasha dzemidzimu.

Nyaya yezvipiriso nenyaya dzekubvisa mhosva pamunhu ichiendeswa pane chimwe chinhu ndiyo nyaya yakaitwa naMwari achishandisa Jesu.

Zvinonzi neBhaibheri, “Kubva kuungano yavaIsiraeri Aroni anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondohwe rechipiriso chinopiswa.

Aroni anofanira kupa hando (bhuru) yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusongana . . . Asi mbudzi inosarudzwa nemujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa.”

Saka munguva dzekunge Jesu asati azoita chibayiro, asati azove iye Paseka, vanhu vaMwari vakanga vachitambudzika nenyaya yekuti zvivi zvavo kana kuti mhosva dzavo dziregererwe pachishandiswa mhuka (mombe, mbudzi nehwai). Zvinhu izvi zvaifanira kugara zvichiitwa nguva nenguva, asi Jesu paanozouya, anobva aita ndiye chibayiro chakapedza dambudziko rekuti vanhu varasirire nekushandisa ropa remhuka kuti mhosva dzavo dziregererwe.

Ichokwadi hatingarase tsika dzedu dzemidzimu nemapira, asi Mwari vari kuti mazuva epasichigare ndakataura nemadzitateguru enyu nenzira dzakawanda, asi iko zvino handichada kuti murambire mukusaziva.

Iko zvino Mwari vakaita sungano itsva yakatsiva sungano yakare yekupira midzimu nekurasirira. Sungano itsva yakaitwa naMwari yakaitwa neropa reMwanakomana wavo Jesu.

Ndizvo zvakanyorwa kuti, “Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga . . . nokuti hazvigone kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey