Midziyo yechinyakare

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views

Kwayedza

BEPA redu rebvunzo regwaro rechinomwe ndinorifananidza nemimba isati yazvarwa. Hapana anoziva kuti mudumbu muchabuda mwanai chero zvazvo mazuva ano kwava nemichina inogona kuona mhando yemwana apo anenge achiri mudumbu. Hapana anoziva kuti vakagadzira bvunzo vachanobata papi nokudaro tinobata pese panotaura chiShona chemandorokwati.

Muchikamu chino tati tibate maringe nemidziyo yakare neyanhasi. Mazuva ano midziyo iyi tava kungoipa mazita atafunga mudzimba, mamwe ekudunhurira asi iyi midziyo yaive nemazita ayo kare.

Tikatarisa munochengeterwa hupfu chaimo, mazuva ano tinochengetera chero mubepa asi kare hupfu hwaigara muzeka kana kuti denhe. Vamwewo vaiti jeka kana kuti njeka.

Vaputi vefodya vanochengeta fodya munhekwe kana kuti chibako. Vamwewo vanoti nyere, tsembe kana kuti kasha. Kana toda zvino kukanga zvekudya zvakafanana nenzungu, maputi kana nyimo tinoshandisa gango kana kuti rwenga/rwayenga.

Kana tobika mupeta wehwahwa tinoshandisa gate kana kuti chikanga. Kana tokubvura sadza tinozviitira mutsaiya kana kuti tsambakodzi. Mazuva ano yava kungonzi poto.

Pakudya kana kupakura bota bota tinoshandisa chipamu asi zita chairo  nderekuti rukwati kana ruwande. Kune fodya inosvutwa mumhino yebute. Kuti fodya igozosvika pakuita bute inokuiwa. Mudziyo unoshandiswa kukuya fodya unonzi nhombo kana chigato.

Dzimba dzekumusha kashoma kuti dziiswe hwaro hwesamende asi vanoisa ivhu rotsindirwa nemudziyo unonzi chidzayo kana kuti chikuvauro. Kana toda kusvina doro kuti rinwike tinoshandisa tyuzu kana kuti chisvino.

Tochimbonangana nezviteyeso. Vanhu vanovhima vane zvavanoshandisa kubata mhuka kana shiri. Vavhimi venhindiri, masema(dhema) vanoshandisa mhayo kana kuti kandye pakubaya mhuka. Vamwe vanoshandisa mapfumo kana miseve.

Pakusona masaga tinoshandisa dumbo kana kuti dungo asi pakusona dehwe panoshandiswa mutsunda. Kana zviri zvipfeko tinosona netsono kana kuti tsingano iyo inodaidzwazve kuti nariti.

Pakucheka zvinhu tinoshandisa inonzi nevechizvinozvino reza. Ndicho chinonzi chisvo kana kuti navhaya. Kana totema zvinhu zvakaita semiti nehuni tinoshandisa demo kana kuti sanhu. Mhuka dzinogona kubatwa pamusungo kana kuti padhibhura. Vamwewo vanoteya mhuka nechizarira vamwe nehunza. Kana dziri shiri dzinoteiwa neurimbo. Musungo wekuteesa shiri unonzi ugombe kana kuti mugombe.

Misuwo tinokiya nesvumbunuro. Apo tinozogarira mumba tinopati chigaramakomucha. Pakurima nemombe kana kudzifudza tinoshandisa chamboko kana tyava. Vamwe vanochiti chiwepu.

Share This:

Sponsored Links