Uncategorized

Mimba tugu murume ari ‘Joni’

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Mimba tugu murume ari ‘Joni’ ISHE ALFONCE CHUSU MUZARABANI

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUDZIMAI wekwaDambakurima, kuMuzarabani — uyo wekunzi aiita gumbo mumba gumbo kunze zvikaita kuti apihwe pamuviri nechikomba apo murume wake aive aenda kunoshandira kuSouth Africa — anonzi akazokanda mwana wakaasununguka muchimbuzi musi wakadzoka murume wake.

Ishe Muzarabani, VaAlfonce Chusu Muzarabani, vanotsinhira nyaya iyi vachiti Spiwe Mahuwe – uyo anova mudzimai waPeter Machoko – akaitiswa pamuviri nechikomba Dennis Sikwati, anogara kuSarunde, kuMuzarabani kwakare ndokusununguka mwana.

“Uyu mudzimai akasiiwa nemurume wake apo akaenda Joni, kuSouth Africa, kunotsvaga basa iye ndokusara achishereketa nemumwe murume wemuno. Murume uyu paakaenda kuJoni, akasiya mudzimai wake achiyamwisa asi akazokasika kurumura mwana uyu nekuda kwekuti akange atotakura mimba yechikomba,” vanodaro Ishe Muzarabani.

Vanoti sezvineiwo, musi wadzoka Machoko achibva kuSouth Africa, ndiro zvakare zuva rakasununguka mudzimai wake mwana wechikomba.

“Murume wacho paakauya kudare kwangu, akatsanangura kuti akashamisika kuona mudzimai wake – uyo waakasiya achiyamwisa – ava kusunda dumbu rakakura. Asi pasina nguva, mudzimai uyu anonzi akazotiza achienda musango mushure mekurwadziwa nemimba achibva asununguka mwana ndokumukanda muchimbuzi,” vanodaro.

Ishe Muzarabani vanoti Machoko anoti akazoshamisika kuona mudzimai wake achidzoka asisina mwana uye dumbu raserera achibva amubvuza asi haana kuda kupindura, izvo zvakaita kuti amhan’are nyaya iyi kudare ravo.

“Patakanzwa nezvenyaya iyi, ndakatuma nhume kuti dzishambadzire vanhu nezvechiitiko ichi, vanhu ndokubva vaita chipata-pata kunotsvaga kasvava kainge kasunungukwa. Takaedza zvakare kubvunzurudza mudzimai uyu asi aisada kudura kwaainge aisa mwana zvekuti akapotsa arohwa nevamwe vanhu asi takavadzivisa tichitya kuti angafa sezvo akange achiri kutorasikirwa neropa mushure mekusununguka.

“Mwana akazoonekwa ari muchimbuzi, vanhu ndokuchitimba izvo zvakaita kuti kasvava kawanikwe kari kapenyu asi kaneta nekuchema,” vanodaro.

Vanoti mwana uyu akazoendeswa paDambakurima Clinic uko akanopfuudzwa kuchipatara cheSt Albert’s Mission Hospital uko ari kurapwa.

“Tinotenda Mwari nekuti mwana uyu akararama uye amai vacho ndinonzwa kuti vari muchipatara imomo umo vari kumupa mukaka. Zvisinei, nyaya iyi ndakazoisiira mumawoko memapurisa nekuti mhosva dzakadai hadzitongwi nemadzishe,” vanodaro.

Vanoti pakupinda kwakaita nyaya iyi mudare ravo, vakapa mutongo wekuti Sikwati aripe mombe mbiri pamhosva yekutora mudzimai wemunhu nekubhadhara $500 yakashandiswa naMachoko apo airapisa mudzimai wake nemwana nekuchipatara.

Ishe Muzarabani vanoti Sikwati ari kuti anoda mwana wake pamwe nemudzimai apowo Machoko ari kutiwo mudzimai wake achiri kumudawo.

“Hatizivi kuti zvichafambiswa sei kana achinge abuda muchipatara sezvo varume vaviri ava vari kuti vanoda mudzimai mumwe chete uyu. Asi isu semadzishe tinoshora chipfambi chakadai. Kudai vanhu vasina kukasika kuchera chimbuzi, mwana aigona kufa uye varume vaviri ava vanogona kupondanirana mudzimai uyu.”

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central Assistant Inspector Petros Masikati vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro akaita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links