Mimba yakabuda 25kg dze‘chinhu’

17 Jul, 2014 - 18:07 0 Views
Mimba yakabuda 25kg dze‘chinhu’

Kwayedza

MUMWE wemadzimai maviri ekubuda muKwayedza masvondo maviri adarika vachinzi vane mimba dzakangofutunuka kwemakore mana, akawana rubatsiro ndokuvhiiwa mudumbu make mukabuda “chinhu” chinorema 25kgs.

Mukuru wechipatara cheChitungwiza, Dr Obediah Moyo, vakazivisa nezvekuvhiiwa kwaMai Portia Tapfumanei, vemuHarare.

Vachitaura kuvatori venhau, Dr Moyo vakati chipatara chavo chakazvipira kubatsira madzimai maviri aya zvichitevera nyaya yavakaverenga muKwayedza.

“Tine madzimai maviri akabuda mubepanhau vakazvimba matumbu. Tave kuvabatsira pachena zvose kuvavhiya nekuvarapa. Wekutanga akatovhiiwa akaburitswa ‘mass growth’ yaiva mudumbu make inorema 25 kgs,” vakadaro Dr Moyo.

Bepanhau rino svondo rapera pamberi rakaburitsa nyaya yemadzimai maviri aya, Mai Tapfumanei (35) vekuZororo kuHighfield naMai Maidei Nemhara (48), avo vanobva kuDomboshava.

Mai Tapfumanei vakavhiiwa pachipatara ichi mudumbu mavo mukaburitswa chinhu chinonzi ndicho chaivasveta ropa mumuviri wayo asi hachisati chazivikanwa kuti chinombori chii.

Vachingoti je-e kusanganidzana maziso avo nevatori venhau veKwayedza apo vaiva muchipatara ichi, Mai Tapfumanei vakasvimha misodzi yemufaro vachiti:

“Ndinokutendai imi veKwayedza zvikuru. Handaimbofunga kuti ndingadai ndiri pano.”

Pavaitenda bepanhau rino apa Mai Tapfumanei vakati vave kunzwa zviri nani nndokuti dai nyaya yavo sina kuburitswa, veruzhinji havaizoziva dambudziko ravo.

Kana zvikafamba zvakanaka, Mai Nemhara vari kutarisirwa kuvhiiwawo svondo rino.

Pane mashoko aitaurwa nekuda kwenyaya yemadzimai maviri aya apo vamwe vaiti vakaroiwa.

Mai Nemhara vaifungirwa kuti vakaroiwa nemunhu wavanonzi vakabira zvinhu zvake asi ivo vaifungira mumwe wevaramu vavo.

Panezve vamwe vaiti Mai Tapfumanei vaiswa runyoka nemurume wavo apo akamboenda kuSouth Africa akanogarako kwemakore achisiya mukadzi wake muZimbabwe.

Zvisinei, mushure mekunge nyaya yemadzimai aya yabuda munha, vakuru vechipatara cheChitungwiza vakazoona zvakakodzera kuti vavabatsire pachena.

Mai Tapfumanei vakanga vatotizwa nemurume nekuda kwehurwere uhwu, sekutaura kwavo.

Nemusi weChipiri chino, chipatara ichi chakatendwa nenhengo dzeParamende dzaichibvakachira nekubatsira madzimai aya.

Dr Moyo vakayambira vanhu kuti vasamhanyire pakufungira nyaya dzehuroyi asi kuti vaende kuzvipatara kana vasangana nematambudziko ane chekuita neutano.

Kunze kwemadzimai maviri aya, kune mumwewo murume wekwaChivero kuMhondoro, Collins Chigariro (30), uyo akazvimba dumbu raanoti harisi kurapika.

Pane mashoko zvakare anoti murume uyu akaroiwa aba zvinhu zvevanhu zvisinei hazvo kuti iye anoramba mashoko aya.

Kune vanoda kubatsira Chigariro vanogona kumuridzira nhare panhamba dzinoti 0734 170 927 kana kuti 0777 101 033.

Pari zvino Chigariro ari kugara kumba kwehanzvadzi yake kuGlen Norah uko ari kurwara ari.

Share This:

Sponsored Links