‘Mishonga haidi kusanganiswa’

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Mishonga haidi kusanganiswa’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARWERE vanenge vachitora mishonga yechivanhu kana miteuro yavanenge vapihwa kumapiorofita nekumachechi vari kukurudzirwa kuti vadure izvi apo vanoenda kuzvipatara senzira yekudzivirira kuwandisa kwemishonga mumuviri izvo zvinogona kukanganisa utano hwavo.

Izvi zvakataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, mumashoko avakaverengerwa naAssistant Director weTraditional Medicine kubazi ravo, VaOnias Ndoro.

“Tinosangana nedambudziko revamwe varwere vanouya muzvipatara nemakiriniki asi vasingadure kuvarapi kuti vane mimwe mishonga yechivanhu kana miteuro yavari kutora. Mishonga yedu yakadai semapiritsi inogadzirwa kubva kumakwenzi saka hapana chekunyara nekuti murapi anenge achida kuziva zvipimo zvemishonga zvakakodzera kupa kumurwere kuti zvisazovhiringana nemimwe mishonga yaanenge achitora.

“Zvakare, hatikurudziri kuti vanhu vasanganise mishonga yechivanhu neyechiRungu nekuti zvinogona kurwisana pamwe nekukonzera kukomba kwechirwere,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti panofanirwa kuitwa ongororo yemishonga yechivanhu ionekwe kuti inorapa zvirwere zvakadii kuitira kuti pave nezvinyorwa zviri pamutemo zvinoratidza kukosha kwayo muutano hwevanhu.

Sekuru Chisanyu

“Tine varapi vechivanhu vakawanda vanoti vane mimwe mishonga inokwanisa kurapa zvirwere zvakadai segomarara kana HIV. Tinokwanisa bedzi kuzvibvuma kana pachinge paitwa ongororo inodudzira izvozvo.

“Zvakare, tinokurudzira varapi vose vechivanhu nevemakereke kuti vave nemagwaro ari pamutemo eTraditional Medical Practitioners’ Council (TMPTC) uye vaine masangano anovamiririra nekuti tiri kusangana nematambudziko evarapi vari kungonyuka avo vanorapa vanhu munharaunda asi izvi zvine njodzi nekuti munhu anogona kurasikirwa neupenyu iwe usina matsamba ugozoenda kujeri,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanotizve nyika dziri muAfrica dzinocherechedza zuva rekukosha kwemishonga yechivanhu (African Traditional Medicine Day) nomusi wa13 Nyamavhuvhu gore negore kubvira muna 2003.

“Gore rino rave rechi15 tichicherechedza zuva iri uye range riine dingindira rinoti, ‘Kubatanidzwa kwemishonga yechivanhu munyaya dzeutano — Rwendo rurefu’. Ndiko kusaka tiri kuda kuti varapi vechivanhu vave nekudyidzana nevarapi vemuzvipatara nemakiriniki kuti tisimudzire utano,” vanodaro.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu vanoti vari kuedza nepose pavanogona kunyoresa varapi vechivanhu nevemakereke pamwe nekuvaendesa kumayunivhesiti kuti vanofundiswa basa ravo rekurapa uye ongororo yemishonga.

“Hatibvumire varapi vanotengesera mishonga yavo pajekerere nekuti imhosva. Saka tiri kushanda pamwe nesangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) kuti nyaya dzakadai dziderere nekuti dzinoisa utano hwevanhu panjodzi.

“Tinokurudzira varapi vedu kuti vazive bumbiro remutemo reZimbabwe kuitira kuti vasazopara mhosva dzakadai sechibharo kana kumbunyikidza varwere vavanorapa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanokurudzirawo varapi vechivanhu kuti vadyare miti senzira yekuchengetedza masango munova mavanochera mishonga yavo.

Share This:

Sponsored Links