Uncategorized

Misodzi yemufaro neKwayedza

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Misodzi yemufaro neKwayedza

Kwayedza

— Madzimai vakakumba mibairo yemucheno

Muchaneta Chimuka —
AKAVE makuwerere aiperekedzwa nemisodzi yemufaro nemusi weChishanu svondo rapera pakupihwa kwemibairo kumadzimai gumi nevaviri avo vakasvitsana kwamvura yacheka makumbo mumakwikwi eKwayedza African Women of the Year akaitirwa paimwe hotera muHarare.

Madzimai akakunda pamucheno wekupfeka mbatya dzemuAfrica (African attire) akadzokera kudzimba nemibairo yakasiyana.

Mubairo wekutanga wakahwapurwa naMai Annie Chidakwa vekuWaterfalls, muHarare avo vakapihwa chitofu chegas (4 plate), gas tank uye jira rekusona mbatya dzeAfrican attire.

Mbuya Vincentia Kapota (65) vekuGlen Norah, muHarare, vakashaya zvekuita nemufaro apo vakawana mubairo wechipiri, kuchizoti wetatu wakaenda naMai Tsungai Chigubhu (38) vemuHarare zvakare.

Muhurukuro neKwayedza, Mai Chidakwa vanoti vari mudenga rechinomwe zvichitevera kuhwinha kwavakaita.

“Ndinofara zvikuru nekuhwinha kwandaita uye ndekekutanga muupenyu hwangu, saka ndinotenda Mwari. Ndaisitenga bepanhau reKwayedza ndichiverenga, ndipo pandakaona chikamu chemadzimai cheAfrican Women of the Year ndichibva ndapidawo mumakwikwi aya,” vanodaro vachipukuta misodzi yemufaro mumatama.

Mbuya Kapota vanotiwo vanowanzotengera vana vavo bepanhau reKwayedza kuitira kuti vabatsirire nezvinyorwa zvezvidzidzo zveGrade 7 nezveA-Level. Ukuwo Mai Chigubhu, avo vainge vakaita kuny’ura mumafaro, vanoti aka hakasi kekutanga vachihwinha mibairo yemicheno.

“Murume wangu anoshanda kuNRZ saka kwakamboitwa makwikwi erunako (modelling) ari emadzimai evashandi ndikatora mubairo wekutanga. Kuburikidza nekuhwinha kwandaita pamakwikwi eKwayedza African Women of the Year, ndiri kuona kuti ndine chipo uye ndicharamba ndichikwikwidza nekuti zvinofadza kukoshesa zvipfeko zvemadzimai emuAfrica,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Rebecca Chisamba – avo vaiva muyenzi anoremekedzwa – vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vapfeke nhumbi dzinovapa chimiro chakanaka, zvikuru kana vachinge vari paruzhinji.

“Bepanhau reKwayedza rakatsvinda nekuti rinofambirana nenguva uye rine nhau dzinobata mazera ose. Asika, patinokwenenzvera micheno yedu semadzimai, tinofanira kuona kuti mbatya dzedu dzinoenderana nemiviri yedu nekuti vamwe vakobvu uye vamwe vatete. Nokudaro tinofanira kupfeka zvine mutsigo, zvikuru sei kana tiri paruzhinji,” vanodaro.

Mai Chisamba vanoti zvakakoshawo kuti vanhukadzi vagare vakashambidzika kubvira kumusoro, mazino nemuviri wose. Mupepeti weKwayedza Patrick Shamba anoti pebanhau iri rinokoshesa kupfeka kunoyemurika kwevanhu vose, sezvo izvi zviri izvo zvinopa chimiro kumunhu. “Bepanhau redu takaridzikisa mutengo kubva pa$1 richienda pa$0,50c kuitira kuti munhu wose ange achiriverenga. Tinokoshesa kupfeka kwakadzikama uye mutauro wedu weShona zvikuru. Micheno yeAfrican attire tinoipembedza nekuti kupfeka kwakadzikama uye kuri kwemuZimbabwe neAfrica,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links