Uncategorized

Misodzi yerwaivhi

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

PANGUVA yekuti vamwe vakadzi vanenge vachiita chipfambi kuti vagopihwa nzondora dzehuku, vamwe venenge vachirwira bhurugwa nekupomerana huroyi. Asi panenge pachiitika zvese izvi, kune kuchema kuri kuitika mune imwe mhuri nekuti ine mwana ane dambudziko rinotyisa – mwana anobata marwaivhi nenhiyo dzehuku achidya zviri zvimbishi.

Nyika ino ine rima, inoda kuti Jesu atibatsire.

Nyaya yemwana wekudya marwaivhi yandifungisa nyaya yakataurwa naJohn Wesley. Anoti kuEngland pane vana vairwara. Vana ava vaitanga nekungobvunda maoko nemakumbo avo, tevere miromo yavo, uye zvaiita sekuti rurimi rwemwana wega wega rwainamira kumusoro kwemukanwa.

Zvadaro, maziso avo aibva angoramba akatarisa nzvimbo imwe chete nenzira inotyisa, uye zviso zvavo zvakamonyoroka nekusungikana.

Zvadaro, vana ava vaibva vati simu, vosvetuka vachienda mudenga vakati twi semutswi. Vaisvetuka vachidaro kanosvika makumi maviri.

Vapedza kudaro, vaibva vamhanya zvekuti kana imbwa dzaisara. Vaibva vamhanya vachikwira pamusoro pedzimba sezvinoita katsi. Kana vave pamusoro pemba vaitanga kutamba kunge vari kutambira pachivanze vasingambotya.

Vaisambotsvedza kana kupotsa kutsika. Mushure mekunge vamhanya nekusvetuka-svetuka, vaibva vadonha vachiita sevafa.

Pavaizodzidziuka, vaitaura kuti vaizopfekwa zvakare musi upi vachienda kunokwira denga redzimba dziri kupi.

Wesley akati pavana vaiita izvi, paive nemusikana airamba achiziva zvese zvinenge zvaitika. Achipindura Wesley, musikana uyu akati, “Ndinotanga ndanzwa kurwadziwa mutsoka yangu yeruboshwe, kurwadza kwacho kwouya mumusoro; zvadaro maoko nemakumbo angu odedera ndobva ndatadza kutaura; ndinobva ndatanga kusvetuka kana kumhanya.”

Achiri pakati pekutsanangurira Wesley, zvakabva zvatanga. Maoko ake akabva ati twasu akaoma kunge simbi.

Wesley anoti akatadza kupeta zvigunwe zvemusikana uyu, uye muviri wemusikana uyu wakanga wakakotama, asi musoro wakadzokera kumashure kwemusana. Makumbo ake achiramba akati twi, uye mabvi asina kugonya, asi iye asingadonhe.

Wesley anoti zvaive pachena kuti iyi yaisave nyaya yevana chaivo vatinoziva sevanhu, asi pane zvimwe zvisiri zvenyama neropa zvaiitika. Akati Satani anovanza kuti ndiye anokonzera zvakadai kuti vanhu vasazive kuti ndezvipi zvinongoitika zvega nezvinokonzerwa nemweya yerima.

Nyaya yemwana anodya marwaivhi, nenyaya yaWesley dzakafanana nenyaya yaRigiyoni muBhaibheri. Rigiyoni akanga ane simba risingatsanangurike panyama yemunhu. Rigiyoni aidambura ngetani, aigara kumakuva nekukurira vanhu vaimuchengeta.

Vanhu vazhinji vanotya kapuka kanonzi rwaivhi, uye iko kanoshatirwa zvekuti kanoshita zvinotyisa. Asi kana mwana ovhima tupuka utwu achidya, achidyawo nehuku mbishi, achidya tsvina yake uye achisimudza mazitombo asingagonekwe nevanhu vakuru pamwe chete nekubatwa nesimba guru guru, zvave kuda Jesu.

Zvinotyisa zvinotivinga muhupenyu, kufanana nepaye vadzidzi vaJesu vakapotsa vafutsirwa nemafungu egungwa. Asi Jesu akanga arimo muchikepe chavakanga vari akarara.

Nekutya, vadzidzi vakamutsa Jesu vachiti, “Ishe, hamuna hany’a here zvatave kufa.” Jesu akamuka akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.

Zviri pamwana anodya marwaivhi ndiSatani chaiye, uye zvinhu izvi zviri kutsvaga kumuparadza.

Asi mwana uyu anogona kutozoita munhu kwaye akatotaura. Dai baba vemwana uyu vakaenda kunoona varanda vaMwari vasiri vaye vekutsvaga mbiri nemari kuti vanonamatirwa dambudziko iri ripere uye mwana uyu asunungurwe. Vatumwa vevana vadiki vanomira pamberi paMwari, uye Mwari havakotsire kana kunyadzisa.

Share This:

Sponsored Links