Mitambo yePSL yopinda mugiya dzvuku

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Mitambo yePSL yopinda mugiya dzvuku Kenny Ndebele

Kwayedza

Abel Ndooka
MITAMBO yeCastle Lager Premier Soccer League vhiki rino iri kupinda musvondo rechi20 apo vatsigiri vemutambo uyu vari kukwenya misoro nekuda kuziva kuti ndechipi chikwata chichasimudza mukombe uyu. Zvikwata zviri kutungamira murwendo rwekurwira mukombe uyu zvinoti FC Platinum, CAPS United neHighlanders. Zvakadaro, zvikwata zvitatu izvi mumitambo yadarika zvakatadza kuwedzera zvibodzwa zvazvo sezvo zvakaita mangange kana kukundwa izvo zvakazoona zvimwe zvakaita seTriangle United zvichifemera mugotsi mazvo.

Nekune rimwe divi, zvikwata zvinoti Border Strikers, Tsholotsho, Mutare City neChapungu United zviri kufanirwa kutokwidziridza masokisi azvo kana zvichida kuramba zviri muPSL.

Mumitambo yesvondo rino, Dynamos FC ichange iri pamusha payo kuRufaro Stadium apo ichasangana neHarare City iyo iri kurairidzwa naMoses Chunga anove akarerwa kuDeMbare.

Zvikwata izvi pazvakasangana kekutanga mwedzi wadarika Chunga achangogadzwa kuHarare City, Sunshine City Boys yakarikitwa 2-0 nekudaro Chunga ari kutarisirawo kutsividza svondo rino. DeMbare nguva yadarika yange iri kutatarika zvikuru izvo zvakaiona ichipedza mitambo mina isina kumbonwisa ikazorikitwa 2-1 neBorder Strikers.

Bulawayo City vs CAPS United
Svondo radarika, mumhuri yeKepe-kepe makamboita bopoto sezvo vatambi vechikwata ichi vakange vave kuramba kuenda kuHwange vachichema-chema kuti vaida kutanga vabhadharwa mari yavo yemwedzi yakawanda.

Zvisinei, svondo rino Kepe-kepe iri kunanga kuBulawayo uko ichasangana neBulawayo City kuBabourfields Stadium.

Triangle vs Platinum
Mubvunzo une vakawanda ndewekuti gore rino ringave reFC Platnum here kuhwina PSL? Platinum ine gomo guru rekukwira apo iri kunanga kuTriangle kunosangana nechikwata chaDavid Mandigora icho chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Platinum ndiyo iri kutungamira palog uye inofanirwa kurwa semvumba kuti irambe iri pamusoro sezvo inogona kubviswa nezvikwata zviri kuitevera.

Zvakadaro, chamangwiza wePSL Kennedy Ndebele anoti haazive kuti kutanga kwemwaka mutsva weEngland Premier League kuchaona kuderera here kwerutsigiro rwemitambo yePSL sezvo EPL yave nevatsigiri vakawanda muZimbabwe.

Zvikwata zvakaita seArsenal, Manchester United, Liverpool, Chelsea nezvimwe zviri kuEurope zvine rutsigiro rwakasimba muno zvekuti mitambo yazvo inoteverwa zvakanyanya. “Ndinoda nguva yekumboita ongororo yekuona kuti kutanga kweEPL kuchakanganisa here rutsigiro rwePSL yedu. “Kana taita ongororo yedu ndichakuzivisai kuti zvakamira sei,” anodaro Ndebele.

Mitambo:
Mugovera
Chicken Inn vs Tsholotsho
Kariba vs Highlanders
How Mine vs Chapungu United

Svondo
Dynamos vs Harare City
Bulawayo City vs CAPS United
Border Strikers vs Ngezi Platinum
Triangle United vs Platinum
Mutare City vs Hwange

Share This:

Sponsored Links